Sinowo

Chapuku, sinuu (kureva snow; kana futi ritwa, rithlwa kubva kumimwe mitauro ye Chibantu) kana sinowo kutora izwi reChingezi ne Chibhunu.

Muchidzidzo cheTaranyika, sinowo imhando yekuturuka kwemvura inoitika munzvimbo dzinotonhora zvakanyanya. Sinowo zhinji inonaya kunyika dzinotonhora dziri kuYuropu (Rhashiya, Vukireni), Ezhiya, neAmerika Maodzanyemba. Mazaya echando anowanikwawo munzvimbo dzakakwirira zvakanyanya segomo reKilimanjaro kuKenya nekumakomo makuru ari kuChile kuAmerika Chamhembe.

Sinowo
Sinowo

Kazhinji sinowo inoturuka kana kuri kutonhora zviri pa 0 Celsius zvichidzika, panova ndipo panogwamba mvura kuita magodo echando. Sinowo yakareruka pahuremu uye painoungana inosiya tuhomwe twemhepo pakati payo tunova tunoita kuti isarema. Munyika dzinotonhora, kune mhuka dzinohwanda musinowo kana chando chasvika izvi zvichidzivirira kutonhorwa nechando kwakanyanya. Mhuka dzakita setsuro neshiri dzinonzi Ptarmigan dzinofukura zvipako zvokuhwanda musinowo; apa sinowo inenge iri kuita semashe ichishanda kudzivira chando zvinoita iye inonzi insulation kuChingezi. Mhuka yakahwanda musinowo inodzivirira chando kupfuura iyo iri pamhene inorohwa nemhepo inovhuvhuta.

Vambo rezita

Chishona hachina izwi rekuti snow nekuti vatauri havana kugara munzvimbo ine snow, saka mutauro we Chishona unotora shoko kubva kumimwe mitauro. Mazwi anobva kuChingezi ndeekuti sinoo kana sinuu, asi izwi rinobva kumitauro ye Chibantu nderekuti ritwa kana rithlwa/rithywa richibva kumitauro iyi: Iqhwa muChizulu, litwa muChilozi, lehlwa muChisutu ne Chitswana.

Zvakanaka kuziva kuti Vashona vanogara padhuze ne Vavhenda, kana Vakalanga vanogona kunge vachishandiswa mazwi avo; kapuku, gambogo kureva snow. Shoko rokuti chapuku rinogona richibva pamwepo.

Nyika dze muAfurika dzine sinoo

Kunyangwe hako kuchisinowa muAfurika, hazviwanzo itika nguva dzakawanda, inyika shoma dzinosinowa muAfurika.

Rumwe ruzivo

Kurerutsa Mutauro

  • Kubvunda, kugwenda kana kungwenda (shake with cold or fear) zvinoreva kudedera nechando kana nokutya.

Mitauro yemuAfurika

  • Lozi inoti litwa vachireva sinowo. Lunyoro inoti birika vachireva sinowo. Herero inoti oma-kende (snow).
  • Venda inoti gambogo (n. snow. From Afrikaans: kapok) vachireva sinowo.
  • BaKalanga rokuti kapuku (Snow) vachireva sinowo. Malinke vanoti nεzi (n. snow).
  • MaZulu vanoti Liyakhithika vachireva kuri kusinowa. Mamwe mazwi: khithika (v.intr Snow).
  • MaZulu vanoti ingele (n. Sleet, snow, biting cold wind) vachireva sinowo kana mhepo inotonhora.

Mamwe mapeji ekutarisa

Mabviro eruzivo

Tags:

Sinowo Vambo rezitaSinowo Nyika dze muAfurika dzine sinooSinowo Rumwe ruzivoSinowo Mamwe mapeji ekutarisaSinowo Mabviro eruzivoSinowoAmerika ChamhembeAmerika MaodzanyembaChibhunuChileChirunguEuropeEzhiyaKenyaKilimanjaroMitauro ye ChibantuRhashiyaTaranyikaVukireni

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

MuzvcaziUpangamutowoChiTongaKukadzi 15NyenyedziZvechadengaDenga neNyikaHangaiwaBhahari TemaSarapavanaJeon Jung-kookNdira 29MutowaNhoroondoEl SalvadorIshwaDamascusHungweChikoriyaNyuchiMburungwagama rekuchamhembeMuhuteHukamaRuambandangaTongaChiaramuRukuvhuteNjanjiSinyoroIsiraeriZagrebUngwaruJenaguruNhevedzwa dzeMvuraHangaTrue Jesus ChurchChin'aiChirimoMakawoHondo yePasirose yeChiposhiChiazeriNhumbuHambautareHutsvukuUkristuMhandamabweMadomasiChisvusvuroMukarati2014Kubvumbi 23MupungaGonyetiGore remucharikwaZiwumbeNamibhiyaChayinaBonga ChihwaGuviNganoDunhu reManicalandManhangaDhumbeMukokoRinopasiVandebele (vekuChamhembe)MusvotamhunguNzouChijapaniKukumbana pabondeMhou ShiriLondonDatyaChikunguru 25🡆 More