Nyenyedzi

Nyeredzi (Chingezi: star) kana nyenyedzi, muzvidzidzo zvechadenga, zvinoreva zviri muchadenga zvinobwinya zvichionekwa munguva yehusiku kana zuva radoka.

Nyeredzi dzine hujoto hwakakwira zvokuti sebhe irimo inoshanduka kubva pakuva gasi rinopisa rashanduka kuita vurazvu hunenge hwemoto - pulazima. Iwo vurazvu hwemoto imhando yomusandu ine mwando unopisa zvakanyanya zvokuti mahatomu anoshanduka kuva mahayoni.

Nyenyedzi
nyeredzi
Nyenyedzi
Zuva redu, inyeredzi.

Zuva pacharo imhando yenyenyedzi uye ndiyo nyenyedzi iri pedyo zvakanyanya nepasirino. Kuzuva ndiko kunobva simba zhinji rinosvika pasi pano. Zuva rine kubwinya kwakanyanya zvokuti munguva dzemasikati dzimwe nyenyedzi dzinoita sokunge dzisipo tichiona kubwinya kwezuva chete. Nyenyedzi dzinozoonekwa kubwinya kwadzo munguva yemhanheru apo rimwe divi renyika rinenge rafuratira zuva rave murima.

Mazita eNyenyedzi

Tarisafi futi: Mazita eNyeredzi uye Mazita eNyeredzi neUnganyeredzi

  • Hweva - mamwe maziva Hwerera, Hwevera, Gwevera
  • Zuva
  • Rinyanga - (nge. canopus) inoziikanwa se 'nyeredzi ye nyanga' mutsika dze vagari vekuchamhembe che Afurika.
  • Gwararezhou kana gwarajena uye gwararakurumbi - zita rekupedzisira iro mavambo aro haazivikwi ka.
  • Chiunganyenyedzi kana chiunga chenyenyedzi (constellation)
  • Chisimira kana chinyamutanhatu (Pleiades)
  • Twizagono? (crux muchirungu kana male giraffe mutsika dzevanhu vekuChamhembe che Afurika)
  • Arufa Senduari (alpha centuari)
  • Hadhari (hadar kana beta centuari)
  • Andaresi (antares)
  • Rhegurusi (regulus)
  • Ndemara (fomalhaut) "sweetheart star" [tarisai futi Ruambangano dzaNdemara]
  • Nguruvenembwa (orion constellation)
  • Mbwa kana Bhande raOrioni (orion's belt)
  • Nguruve kana Bakata raOrioni (orion's sword)
  • Ruambangano dzaNguruvenembwa (orion mythology)
  • Rhijeru (rigel)
  • Bheterugisi (betelgeuse)
  • Arudhebharani (aldebaran)
  • Mazhara kana Shangwa (Small Magellanic Cloud) zvichereva kuti famine; drought
  • Maguta kana Chokocha (Large Magellanic Cloud) zvekare plenty; abundance

Zvimwe zvekutarisa

Mitauro ye Chibanthu

  • VaNande vanoti erinyenyeta (n. shine) kureva kupenya. Sokuti: omubirí wíwe ányényetirȩ (his body shines). VaSwahili neVaDigo vanoti nyota (n. star) kureva nyenyedzi.
  • VaNyungwe, VaGiryama neVaDigo vanoti nyenyezi (n. star) kureva nyenyedzi. VaGanda vanoti munyenye (n. star) kureva nyenyedzi.
  • VaLenje vanoti nyenyeshi (n. star) kureva nyenyedzi. VaNyoro vanoti nyunyuzi (n. star) kureva nyenyedzi. VaFipa vanoti ulutongwa; ulutanda (Star) kureva nyenyedzi.
  • VaKikuyu vanoti cata; njata pakuwanda (star, stars) kureva nyenyedzi. VaZigula vanoti ntondo (n. star) kureva nyenyedzi.
  • Baila vanoti intanda (n. falling, shooting star, a meteor) zvichireva nyenyedzi inouruka - zvichida tingati nhanda.
  • Nsenga vanoti kunyavata (v. to glitter, to shine - used of sun and stars or that which shines by it's own light).

Mabviro eruzivo

Tags:

Nyenyedzi Mazita eNyenyedzi Zvimwe zvekutarisaNyenyedzi Mitauro ye ChibanthuNyenyedzi Mabviro eruzivoNyenyedziChadengaChirunguGasiHujotoHusikuSebheZvechadenga

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

Dare reVakokeriMombePPutugaroNhengoLHwewaNjiriWikipidhiyaHute (ruvara)MangayiKutizira mukumboMazita eMitiDanhautandeMapapuKubvisa nhumbuMuwaleAfurikaZMbutuClement DokeMbitiImbaPasiNjivaChimurenga ChechipiriMufenjeShumba -MhaziNhunziKanyamusekerwaHanjaKuguraGoreMutemoPakistanZvombo zvehondoRudhende rwe Afurika YepakatiXGwetaVanguniSangoMaariNhengo dzesikarudziMushambaKinyarwandaHoziMhetaChikara ChesangoChiitariNyokaKuraniMakotoreGutsaruzhinjiRanjisiMabayoZvita 15KumhuraNhabvuChinamatoMatinjiBherujyamuYuropuChaminukaMagureSyriaHariMbomboOstireriyaMadzindeMoyo ChiranduSekuruBhaziGarweShondo🡆 More