Imbwa imhuka inochengetwa pamusha.
Imbwa inoshanda mabasa anoti: kuvhima; kufudza zvipfuyo; kuzvuva mitoro kunyika dzinotonhora seCanada; kuchengeta musha; kubatsira mapurisa nemawuto kuronda; kutamba nayo; uye kubatsira vakaremara kana imbwa yakapingudzwa.
Kune marudzi mazhinji eimbwa,muZimbabwe mazita anowanza kupihwa imbwa ndeanoti Anashe,Macooks,Welly,Mupenyu,Colleta nerekuti Tonde.Kune imbwa dzinowanikwa dzakarasa pfungwa idzo dzatinoti imbwamipengo,dzimwe dzeimbwa idzi ndedzinoti Kaseke,Trish,Perkins neinonzi Masukume.Kana muchida kuziva zvizere batai Breezy parunhare ,uyo anofarira imbwa.
Imbwa dzinoyaruka zvokukwanisa kubereka padzinenge dzave nemwedzi mitanhatu kusvika gumi nemiviri (6-12); izvi zvinoititka kune mikono zvose nehadzi. Nzvari inoti kana yabindura inenge yagadzirira mupfungwa nemuviri wayo kuti inge ichishumirwa nemukono. Kubva painobindura imbwa nzvari, mazai acho anorarama kwesvondo zvichireva kuti panguva iyi nzvari inokwanisa kushumirwa nemikono yakawanda.
Imbwa dzinozvara mushure memazuva makumi mashunu ne matanhatu kusvika makumi manomwe nemavari (56-72) mushure mekunge Mbwa hadzi yasangana pabonde nembwa hono. Imbwa inobereka vana vanowanza kusvika vatanhatu (6). Mwana wembwa anonzi handa, mbwanana, kana kuti mhondana.
Imbwa dzinodyiwa nyama kwemazana emakore mazhinji kunyika dziri kumabvazuva eAsia dzinosanganisira Korea, China neVietnam. Pane kufungidzira kunoti pagore rega-rega kunobaiwa imbwa 13-16million muAsia kuti dzidyiwe nyama. Kunonzi nyama yembwa inosanganiswa nenyama yehuku nenhenhere dzemushenjere
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Imbwa, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.