Mboro inhengo yemuviri wemunhu rume.
Mboro inoshandiswa kurasa mvura dzemumuviri, nekusika rudzi. Dzimwe mboro dzinobviswa ganda remberi. Kubviswa kweganda uku kunonzi kuchecheudzwa, uye mboro isina ganda remberi inonzi shondo. Vanhu vakadzingiswa vane mikana yakati shomekei yekubata zvirwere zvepabonde nekuda kwekuti rukanda rwepamusoro pemboro runenge rwakati omararei zvinoita kuti utachiona hwezvirwere hunetseke kupinda mumuviri. Uyezve vakachecheudzwa havakurumidze kubuditsa pabonde uye kunakirwa kwavo kushoma.
Nzira inoshandiswa nevarungu inowanzo konzera kuti mboro itadze kumira, inopedzesera yava kungorembera. Dziya dzatinoona mumafirimu emapono dzinenge dziri doko asi kuti panogadzirwa firimu vanoita kuti firimu riratidze kunge hombe. mamwewo mafirimu anoshandisa mboro dzezvimiti kana kuti silicon dzinenge dzaka pfekerwa pamusoro pemboro kuti iratidze kunge hombe.
Wongororo dzakaitwa kuchipimwa hurefu hwemboro dzakabuda dzichitaura zvakasiyana.Mupimoo wemboro wakanaka kunangisa ruoko rwako kubva parwunotangira kusvika panogumira chigunwe chepakati.
Vakaita wongororo idzi kunonzi vaida kubatsira "varwere" vanonetseka nenhau dzekumira kwemboro uye ave vanotsvaka kuti dziwedzerwe kukura kuZimbabwe.
Varume vazhinji vanoda kwazvo kuva nemboro hombe .Kuva nemboro hombe kunoita kuti varume ava vafunge kuti vanozokwanisa kufadza zvakanyanya kana kuti kunakira vadikani vavo pabonde .Asi mutsvagiridzo dzakaitwa kukura kwemboro hakunei nekunaka kwavanoita kana vava kuita bonde asi kuti kugona kushandisa mboro yacho nekutekenya mabhatani chaiwo. Kukoira kusvinu kunokurudzirwa kuti murume ugutse mukadzi wako pabonde,hazvinei nekuti une mboro yakaita sedora kana kuti chigurinhwa.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Mboro, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.