Rwizi

Rwizi (river) rgwizi kana gwizi, muchidzidzo cheTarachisi zvinoreva muronga unoyeredza mvura kubva kunzvimbo dzakakwirira kuenda kunzvimbo dzakaderera.

Rwizi runogona kuva hombe kana diki; dzimwe nzizi dzinoyerera mitunhu yakareba dzichipinda munyika dzakawanda.

Rwizi
Rwizi

Mamwe mazwi anotaura rwizi ndeaya: rukova (brook), rukorodzi (small stream), rukoto, mukomba.

Izwi rokuti rukoto tinokwanisa kurishandisa kuturikira inonzi tributary kuEnglish, kureva rwizi runodira mune rwumwe rukuru. Sokuti Rwizi Munyati rukoto kuna Rwizi Zambezi.

Machiti (rapids in English) zvinoreva mangondo kana mawere anodzika ari munzira yerwizi, pahumwe zviichinzi chiti. Mangondo aya anoitika pane matombo makukutu akachinjika panoerera nerwizi, asi zasi kune matombo anokukurwa zviri nyore.

  • Rufuvha (, dry stream, brooklet).
  • Mukaha (Gorge) zvinoreva kuti rwizi rwuri pamupata wakadzika, iwo mahombekombe anew mukwidza wakanyanya. Zasi kweVictoria Falls kune mukaha unoyerera Rwizi Zambezi.
  • Gombe (Shore, the land along the edge of a sea, lake, broad river, etc.) apa kureva nzvimbo yakakomberedza rwizi, nyanza kana gungwa.
  • Birimo kana mapirimo zvinoreva hombekombe rerwizi ine matombo akakwira - high rocky bank.
  • Biriri (bank of stream). Pahuwandu zvonzi mapiriri - kutaura uku chiNdau.
  • Muhwe (current in water).
  • Ronga kana muronga (river).
  • Chikotoro - shoko iri riri kushandiswa pano kuturikira river basin kureva nzvimbo inokokorodzwa mvura inoyerera murwizi rwuri kucherechedzwa. Chikotoro chaRwizi Zambezi chinosanganisira matunhu ari munyika dzinoti: Angola; Zambia; Botswana; Democratic Republic of Congo; Zimbabwe neMozambique.
  • Bonde reRwizi (river bed) - mazwi aya ari kuumbwa pachinyorwa chino kududza pavhu riri pasi perwizi. Zavakanaka kuonesana kuti izwi iri hariko kuChiShona chemazuva ose. Swahili inoti bonde la mto (river bed).

Tsumo

Rwizi 
Rukova rune matombo kuItaly
  • Rukova rwizi, kuyambuka unokwinya nguo. Tsumo iyi inoreva kuti munhu anofanirwa kuzvininipisa kana achida kukunda nyangwe nepane icho chingataridzika sechidiki. Tsumo iyi inotiudzawo kuti vakare vaisiyanisa rwizi norukova; rwizi rwuri rukuru pane rukova.
  • Rwizi runozara nemadiro. Rivers only overflow because of their tributaries.
  • Rwizi runokura nezvikova. A river grows (depends) on tributaries.
  • Muromo hauzarirwi nerwizi.
  • Kamuhomba kadiki kanoyeredza. A small furrow can float away (a person)

Rwizi Nile

Rwizi 
KuNorway, pamadirano a rwizi Glomma nerwizi Vorma.

Rwizi Nile ndirwo rwakanyanya kureba Pasirose ruchiyerera nhambwe inoita 6,650km. Nile inopinda munyika dzinoti: Burundi; Rwanda; Democratic Republic of Congo; Tanzania; Kenya; Uganda; Ethiopia neEgypt.

Rwizi Zambezi

Kuno kuChamhembe kweAfrica, Rwizi Zambezi ndirwo rwizi rukuru rwakareba 3,540km. parwizi urwu ndipo panowanikwa mapopoma anonzi Victoria Falls ari pamuganhu panosangana Zimbabwe, Zambia, Namibia neBotswana. Mamwe mapopoma ari parwizi Zamabezi anosanganisira: Chavuma Falls iri pamuganhu weAngola neZambia; Ngonye Falls neSioma Falls kuMadokero kweZambia.

Zambezi rine magwenya makuru emagetsi maviri ari paKariba Dam neCabora Bassa Dam. Pane rimwe gwenya diki paVictoria falls.

Chisuvi cheMvura

Chisuvi cheMvura zvinoreva nzvimbo yakakwirira yokuti kumativi ayo nzizi dzinoyerera dzichienda kwakasiyana.

Somuenzaniso muZimbabwe chisuvi chemvura chinotevedza nzvimbo dzakakwirira pakavakirwa maguta anoti: Harare; Chegutu; Kadoma; Kwekwe; Gweru neBulawayo.

Kune rimwe divi nzizi dzinoyerera dzichienda kuMaodzanyemba kunodira kuna rwizi Zambezi. Nzizi dzinoti: Rwizi Mazowe; Rwizi Munyati; Rwizi Manyame dzinoyerera dzichinodira muna Zambezi.

Nekune rimwe divi dzinoyerera dzichienda mabvazuva dzichinodira muna Rwizi Runde naRwizi Save. Divi iri rine nzizi dzinoti: rwizi Tokwe; rwizi Chiredzi; rwizi Mutirikwe dzine mvura inonopinda kuMozambique ichinodira kugungwa reIndian Ocean.

Mamwe Mazwi

  • Matsvanzvi, kana makutsi (Flood debris) zvinoreva makukurudzi anokukurudzwa nemvura yemafashamo kana mvura yanaya yakawandisa yozara padunhu.
  • Makotorodzi kana makukumidzi (driftwood) apa kureva matanda nemarara anokukurutswa nerwizi.
  • Guwe guve kana makuwe (floods, not merely a flooded river). Kune rwizi runonzi Rwizi Nyaguwe.
  • Kupweva (to subside or go down like a swelling river) apa kureva kuserera serwizi.
  • Kutseduka (ran swiftly as a river) zvichireva kuyerera kwekumhanyisa kwerwizi pamutsedu.
  • Kutseneneka (ran in the form of a stream).
  • Kuwunga, kuririma kana kuvirima (to thunder as rain or river).
  • Harambwe kana zerere (Green, hair-like water growth). Vamwe vanoti harandwe.

Mitauro yeAfrika

  • VaFwe vanoti rwizyi (river) kureva rwizi. VaMambwe vanoti luzi (river, stream) vachireva rwizi.
  • VaLozi vanoti –welula (n. current in a river). Kimbundu vanoti ngîjí (n. brook, stream, rivulet).
  • VaWabo vanoti mwinji kana munji (n. river) vachireva rwizi. VaNyakyusa vanoti ulwisi (river) kureva rwizi.
  • VaTumbuka vanoti mronga (river) vachireva rwizi. Kinande vanoti emuteho (n.a river, at the source).
  • VaLenje vanoti kunselelo (downstream) vachireva zasi kwerwizi kwarunoyerera richienda.
  • Lenje inoti mukuku (Current, flow of a stream or river) kureva gukurudzi rerwizi.
  • VaChewa vanoti gwero kana magwero (a source, head or source of river), kureva panotangira rwizi.
  • VaKongo vanoti kukula (to flow along, to flow down, run down as water, trickle, pour down, drift, roll down).
  • VaTonga vanoti mulonga (river) kureva rwizi. Mamwe mazwi: bulonga (a river system). Nafaanra vanoti kotolo (n. bowl or dish made of clay).

Tags:

Rwizi TsumoRwizi NileRwizi ZambeziRwizi Chisuvi cheMvuraRwizi Mamwe MazwiRwizi Mitauro yeAfrikaRwiziKuyereraTarachisi

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

Shumba GwaraBonga-musakwaniMushongaMboroSouth AfricaTaabwaMutupo ye ShavaMujongweChikangaShava NyakudirwaChimboAfughanistani2024BakoZendaMabvazuvaJorodhaniKukumbana pabondeJohannesburgChikoriyaVhenekeratsvimborumeVandebele (vekuMaodzanyemba)HariChiSpanishShava MwendamberiNzira dzekudzivirira nadzo kubata pamuviriMazita eChishonaVakalangaRhashiyaZvinamato zvemuAfurikaVaRembaChitatuMapungubweNeparuSiSwatiBununuNhuBonyoraDanhautandeUhinduSeoulMutobvu2010VatalaoteChichayinaHumweWikiduramazwiMupungaChiswahiliMbiziChiarabhuMukutsiraniAwasaNdariraUsezaMbambairaKurongaNyakyusa2 JohaneNhamba NharadadaEzhiyaDotaVashonaMushumaShumba -MhaziRuzhaMutsonzowaChenjeGwengaChibhunuVictoria Falls🡆 More