Mutauro weSilozi une mamwe mazwi anotodzana nemazwi eChiShona .
Lozi Mazwi Anotodzana
Lozi inoti kusinya (destroy), Shona ichiti kuchinya . Lozi inoti kutima (breast; udder), Shona ichiti kudzima kureva zamu . Lozi inoti kulima (agriculture), Shona ichiti kurima . Lozi inoti feza , Shona ichiti kupedza kureva kusvitsa pakuguma. Izwi rinoti kuwa (fall) rinoreva zvakafanana kuShona neVaLozi. Batu kuVaLozi ndivo vanhu kuShona . Lozi inoti Mulimu kana Nyambe (God); Shona ichiti Mwari . Lozi inoti malilo kana mafu (funeral), Shona ichiti rufu , marufu kana ndufu . Izwi rokuti kufula (graze) kuVaLozi rinotauwa richinzi kufura kuShona . Lozi inotaura mulilo (fire), Shona ichiti moto . Tate kana baba kuShona, ndivo ndate kuVaLozi. Rurimi kuShona ndirwo lulimi (tongue, 2 language) kuVaLozi. Lozi inoti kulwana (fight), Shona yoti kurwa kana kurwisana . Tolongo (jail or prison) kuLozi ndiro jeri kana torongo kuShona. Kubaba (Itch) kuVaLozi ndiko kuvava . Lozi inoti musima (hole), Shona toti musimha . Lozi inoti mupoti kana muenyi (visitor), Shona toti mweni . Lozi inoti kupota (to visit), Shona toti kushanya . Lozi inoti kuwani (hat); Shona inoti nguwani . Lozi inoti sulwe (hare) Shona inoti tsuro . Lozi inoti musika (market) Shona inotiwo musika . Lozi inoti mulao (law) Shona inoti murau kana murao . Lozi inoti kulibala (forget) Shona inoti kurivara . Lozi inoti mbowa (mushroom) Shona inoti hohwa . Lozi inoti nama (meat) Shona inoti nyama . Lozi inoti sando (hammer) Shona inotiwo sando kana nyundo . Lozi inoti sulwe (hare) Shona inoti tsuro . Lozi inoti simbi (metal) Shona inoti simbi . Lozi inoti kuzuma (hunt) Shona inoti kuvhima . Lozi inoti kupumula (rest) Shona inoti kupumhura . Lozi inoti kufuma (to be rich) Shona inoti kupfuma . Lozi inoti kubenya (shine) Shona inoti kupenya . Lozi inoti peu (seed) Shona inoti mbeu . Lozi inoti mati (saliva) Shona inoti mate . Lozi inoti kulooza (sharpen) Shona inoti kurodza . Lozi inoti kulube (pig) Shona inoti nguruve . Lozi inoti likwali (partridge) Shona inoti chikwari . Lozi inoti makwili (potatoes) Shona inoti magwiri kana mbatata . Lozi inoti tafule (table) Shona inoti tafura . Barotse vanoti liino (tooth) Shona inoti zino . Njanji (railway) ndizvo zvimwechete kuLozi neShona. BaRotse vanoti muloi (witch) Shona inoti muroyi . Lozi inoti mukwakwa (road) Shona inoti mugwagwa . Lozi inoti mukuwa (whiteman) Shona inoti mukiwa . Lozi inoti kubulaya (kill) Shona inoti kuuraya .
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Lozi , which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0") ; additional terms may apply (view authors ). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses. ®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.