Chiswahiri kana Chiswahili (sw.
Kiswahili) mutauro we Chibantu unevatauri vakabva kuTanzania unotaurwa munyika zhinji dzeAfurika kunyaya kuMabvazuva, dzinosangananisa: iyo Tanzania, Utemabanze we Rudhende rwe Vukongo, Kenya, Mazambuko, Vurundi, Rwanda, neVuganda. Chiswahiri mutauro weVaswahiri.
Chishona chinemashoko mazhinji akafanana neChiswahiri nokuti chakawanza kufanana nemitauro ye kumabvazuva eAfurika, uye zve ine mashoko mazhinji yayakatora kubva kuChiswahiri.
Chiswahiri pachacho, chinemashoko mazhinji achakatodza kubva kuChiarabhu uye kumimwe mitauro nekuda kweizvi chinotaurwa kakuru muAfurika nokuti munhu anokwanisa kutauro nezvemisoro yese ye nyaya neChiswahiri, kubva kuSainzi, kuenda kumasvomhu uye kuTarachisi. Nekuda kweizvi vanhu vazhinji vanotoda kuti Chiswahiri chive mutauro weAfurika.
Chiswahiri | Chishona | Tsananguro |
---|---|---|
moyo, mtima | moyo, mhumba | |
nyama | nyama | |
usiku | usiku, husiku | |
lini | riinhi | |
chisekwe | sekwe | |
kusamba | kushamba | |
nzhiba | njiva | |
makoa | magaka | |
makamba | mufarinya | |
mabuzu | mauyu | |
nyati | nyati | |
twiga | twiza (furiramudenga) | |
ng'ombe | n'ombe, mombe | |
jumbe | jumbe, ishe | |
udongo | dongo, udongo | |
kufa | kufa | |
uzima | uzima, vuzima | shoko iri rakatorgwa kubva kuChiswahiri wo |
upofu | upofu | |
ndoto | ndoto | |
mbwa | imbwa | |
bata | bata (dhadha) | dhadha rakakuChinguni, Chivanhu chaiti bata wo |
tembo, ndovu | nzou, zhou | |
ngoma | ngoma | |
ngano | ngano | |
njaa, ndaa | nzara, zhara | |
baba | baba | |
pole pole | pore pore | kureva "slowly" |
mpofu | mhofu | |
kula | kudya | |
taka | daka | kureva "want" |
bahari | bhahari | kureva "sea", shoko iri rakabva kuChiarabhu rakatorwa ne Vashona kubva kuChiswahiri wo |
jenga | jenga | |
shamba | bindu | |
mtume | mutume, nhume | |
nyani | nyani | |
nanga | chipingo | |
maziwa | mazamu | |
kwapa | hapwa | |
mpaka | muganhu, mudzivo | |
jangwa | gwenga | |
bongo | huropi | |
mkate | chingwa | |
rushwa | chifufuro | |
ukiwa | ukata, undoga | |
mchana | mushana | |
makaa | marasha | |
mavi | madhodhi | |
tawa | pani | |
jicho | ziso | |
umbo | chiumbo | |
chula | datya | |
majani | kuveza |
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Chiswahili, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.