Nyoka

Nyoka imhuka yesango yakareba isina makumbo inofamba ichi zvongonyoka.

Dzimwe nyoka dzine uhuturu huno kwanisa kuuraya munhu uye dzimwe dzaka fanana neshato hadzina kana nehuturu. Vanhu vazhinji vanouraya nyoka kana vakaiona.

Nyoka

Nyoka dzinowanikwa muAfrica dzinosanganisira shato, chiva, mhungu,Nyaminyami rovambira, nyamafingu,bonga-musakwani, nyarufuru, kangamiti kana kuti karukuni, mhakure,ndara, tsvuku-kuviri, chimanzi, mhakure, rukukutwe, svoti, maswere, binga, hangara, ndinga nedzimwewo.

  • Dinga (two headed snake, harmless).
  • Dzerere (Olive marsh snake. 2. Green water snake).
  • Mhangara (1. Boomslang, 2. Water snake).
  • Mhakure (snake of the cobra kind).

Nyoka dzinobvisa ganda radzo rekunze pamwaka yakasiyana - ganda iri rinenge rabviswa rinonzi chibvunuro, bvunurwa, vhunurwa, guvurwa kana guurwa - "slough in English". Pachinyorwa chino chidzidzo chakanangana neruzivo rwenyoka chinonzi Chironzo Chenyoka kana Ronzanyoka.

Tsumo

  • Mwana wenyoka nzvenzvana.
  • Akarohwa senyoka yapinda mumba
  • Rega kuyera nyoka negavi iyo iripo.
  • Nyoka haina duku. A snake is a snake, no matter how small.
  • Pfini yenyoka kungoruma icho isingadyi. It is the malice of a snake to bite something it does not eat.
  • Hwoni hwenyoka kuruma chaisingadyi. It is the malice of a snake to bite that which it will not eat.
  • Rega kurova nyoka ukasiya rumhinda. Do not kill a snake and leave its tail.
  • Rega kunera nyoka uchisiya rupinda. Do not strike a snake and leave its tail.

Mazita emhuri

Kune mazita emhuri ane chekuita nenyoka. Mamwe ndiwo anoti: Nyoka, Mutimbanyoka zvichingodaro.

Mitauro yeAfrika

  • VaNyungwe vanoti ngozi (n. venom) kureva huturu.
  • VaWanga vanoti okhufunula (uncover) vachireva kufunura. Mamwe mazwi: okhufunika (v. to cover).
  • Nsenga vanoti tsunzu (n. a ball of string, a snake rolled up).
  • Tampulma vanoti nyɔk (v. to gather together) kureva kuungana. Cherechedzai kuti nyoka inounganidza muviri wayo panzvimbo imwe.

Tags:

Vanhu

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

Middle EastUbhudhaMaldivesGurapakatiUzoroastiChikunguru 21DanhautandeVavhendaChindeyaKubvumbi 22MunyaniHwaroRaosiChibagePeji rekutangaKurume 12DonzvoNambyaChirimoPolandMukondombera weAIDSMukwereraMutandira weZuvaJerusaremaVanuatuNdira 4Hugari hwevanhuMhumhiMubvandiripoNyokaNyamavhuvhu 24MutupoKurume 1ChiringarongoZvipfekoUbhaha'iZvinyorwa zve Zvechivanhu kuzhe kwe WikipidhiyaChirunguMuvhuroSinowoLimaZvita 2DuramahwiNyere (Dzezvipenyu)BhuritaniChirenjeVajudhaVaTavaraKubvumbi 28UsikhiKukadzi 28HanaKukadzi 9RomaniaHondo yePasirose yeChipiriClement DokeHwembwa (bonde)VaakaniMazinoMuchatoKukumbanaVakristuMundaManikidzoTsumoRooraNjeeMubhununuDandare remagetsiNyimo🡆 More