Chatemabanze, chatemavabanze kana gutsaruzhinji (democracy in English) mazwi anoreva mutowo wekutonga kana kutema mitemo unotevedza zvido zveruzhinji rwevanhu: izvi zvichiitwa kubudikidza nekuvhotera vamiriri muchivande uye kusarudza nzira dzinodiwa neruzhinji rwevanhu panhau dzinenge dzaiswa mudariro.
Kuita sarudzo dzevamiriri mudare reparamende chikamu chikuru pahutongi hweutemabanze. Asi chatemabanze hachiperere pakuita sarudzo; panofanirwa kuva nezvirongwa zvokugutsa ruzhinji kuchitevedza zvido zveruzhinji.
Izwi rokuti demoocracy rakabva kuGreek - iro rakaumbwa nezvikamu zviviri zvinoti: demo kureva ruzhinji rwevanhu kana banze, uye kratia kureva rule or strength. Saka pano chivakashure chinonzi chatema- chiri kureva nzira yehutongi inopa simba kuboka rakarehwa - sokuti chatemabanze hutongi hunotevedza mitemo yebanze.
Zvakakosha kuonesana kuti mashoko ari pano haako kuChiShona chemazuva ose, asi kuedza kuturikira mazwi anotaurwa kuEnglish.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Chatemabanze, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.