Muchato chiitiko chekunge murume nemukadzi vari kuroorana vachiita mhiko dzavo dzokugara vose.
kazhinji kuitwa kwemhiko kunoteverwa nemhemberero apo vanhu vakakokwa vanenge vofara pamwe nevachati.
Muchato unokwanisa kuitirwa muKereke kana kuitirwa mudare raMudzviti. Vanochata vanowanza kunge vaine vafakazi vanopupura kuti vaona muchato uwu vachiisa runyoro rwavo pagwaro remuchato. Mukadzi anenge achichata anonzi mwenga, murume anenge achichata anonzi sakuwana kana kuti zenda - saka vachati vanenge vari zenda nomwenga.
MuZimbabwe nekune dzimwe nyika nhau yekuroorana inoperera pamberi pemhuri nevabereki pasina kuenda kunochata kuKereke kana kuhurumemnde. MuZimbabwe murume anenge aripa roora paanozopiwa mukadzi natezvara. Kunyika dzevarungu mukuwasha anopiwa mukadzi asina roora raaripa. Kune dzimwe nyika mukadzi ndiye anoripa mari achitora mururme kuti ave wake; iyi tsika inowanikwa kuIndia.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Muchato, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.