Svikiro

Svikiro (Nge.

prophet, priests, spirit medium) kureva munhu anosvikirwa ne mweya mutsvene achiudzwa nezvinhu zvevanhu, madzinza, madhidhizha kana nyika.

Muchinyorwa cha Lovemore Togarasei anotaura nezve svikiro - muporofita.

  • Chekutanga, achinyora anotsanangura kuti Bhaibheri pacharo harina kupa chirevo cheshoko rokuti svikiro (muporofita), asi rinotaura nezvinoitwa ne svikiro (muporofita) (zvichienderana nechitendero cheVahebheru).
  • Chechipiri, pane zviito zvizhinji zvinoitwa ne svikiro, zvinobva zvaomesa kutsanangura chirevo cheshoko iri.
  • Chechitatu, panekakuwanda kwekusika chirevo zvichienderana nemafungirwo eshoko racho echimanjemanje.

Nhoroondo

Kusafarirwa kwe Chivanhu na Vazungu

Svikiro dzinonzi "spirit mediums" asi pachokwadi ndiwo maporofita, ma pristi, ne vashe, asi mashoko eChishona haana kushandiswa mukunyorwa kwe Bhaibheri, takapuhwa mashoko eChingezi, tsika dzedu dzikaitwa sedzeuroyi. Asi pakuongorora, zvinoitwa na Mapristi ndizvo zvinoitwa ne svikiro, Maporofita ne Mapuristi vanoti vanonzwa kubva kuna Mwari (uye Vakaturiki (Vakatholiki) vanotoendera mberi kusvika pakutoti vatungamiri vavo, mazwi avanotaura akakosha se aMwari, uye nekuti vanotaurira Mwari). Pamusoro pezvo vanhu veChikatholiki vanonamata Vasande na Mai Maria, asi kuChivanhu kuna Mwari Mumwechete, svikiro ("priests, prophets"; mediums) dzinonzwa kubva kuna Mwari dzoudza vanhu. Zvakafanana nezvakaitwa na Mhoze muMavambo. Mwari vakuya futi kuna Abarahama se mhondoro (ngirozi) tatu muna Mavambo.

1950

Tarisai peji re: Zvitendero zveTsika ye Vaafurika

Mugore ra 1950 vatransileta veShona Union Bible re 1950 vakaumba bhaibheri, iro bhaibheri rakaumbwa panguva iyi ndiro vhezheni richirikushandiswa nemukumbi weVashona weZimbabwe, asi pakututrikira kwavo havana havo kushandisa mashoko aivemo muChishona vakaunza mashoko avo.

Pakuongorora zvitendero cheVashona zvakati fananei nezveVahebheru uye Vaarabhu vacho, senge pakuti djinn ne shavi.

Muchikare Vazungu vainge vachine pfungwa dze Hukoloni, vaiona wo Vaafurika sevaive pazasi pavo uye maitiro avo aitarisirwa seakashatazve uye ndiyo nguva yaitsvaka Vazungu chikonzero chekuita vatema varanda.

Mwari ainzi wo Mulungu neVashona sezvoitwa ne vamwe Vabantu (raive rimwe zita, raireva kuti Ishe) chinyorwa chiri pazasi chinotaura nezve pfungwa dze Vazungu pamusoro pezvitendero zve Vaafurika.

.. .the Shona "give to God the name of Mulungo (Murenga) but all this in much confusion, darkness and obscurity."6

• "truly a mumbo jumbo of beliefs so superstitious [as] to be ridiculous."7

• "On my way to Plaatberg I passed by a Basuto village where the people were dancing over corn previous to sowing. There were three baskets of corn on the ground and the people. [were]. dancing and twisting with strange antics past it. I asked them what they were doing. They said they were praying to God to give them rain and plenty corn. I spoke to them on their folly and exhorted them to abandon their sinful customs and pray to God."8

• "(Batswana) ... had no religious ideas at all, or at least none worth bothering about ... all their customs were wicked, the only proper response to them was denunciation" (Robert Moffat).9

Mitauro ye Chibantu

  • Digo inoti kusikira (to hear, to listen, to obey) kureva kunzwa kana kuteerera.
  • Digo inoti sikiro (1. ear, 2. handle) kureva nzeve.
  • Digo inoti sikiro (1. hearer, 2. follower) kureva munzwi.
  • Digo inoti Mndzala kana masikiro (a hungry man has no followers) kureva - Ari munzara haana anomutevera.

Muchitarisa munona kumimwe mitauro ye Chibantu senge Chidhigo chiripamusoro, chinototi wo sikiro ndiye munzwi se muporofita. Munhu anonzwa kana kuudzwa na Mwari oudza vanhu zvaanzwa.

Mamwe mapeji

Mabviro eruzivo

Tags:

Svikiro NhoroondoSvikiro Mitauro ye ChibantuSvikiro Mamwe mapejiSvikiro Mabviro eruzivoSvikiroDhidhizhaDzinzaNyikaVanhu

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

NdaramaMudzimuVandebele (vekuChamhembe)Nyamavhuvhu 16Mazita eMitiPutugaroIdiChirwere cheCoronavirus 2019MhumhiVakristuMusamiMaperembudziVaTavaraNyokaUtaoSinyoroKubvumbi 28ChijerumaniEsperantoVazezuruZanzibhariKazakhistaniNjivaRinopasiMhou yemombeUbhudhaVhatikaniGorosiDzidzoGurweRunyankoreBhaziKubvumbi 22SekuruUjudhaMbudzi 19ShumbaChipikoMaodzanyembaZvombo zveShomweChiedzaKurume 1TunisiaMunyakweManyukiraTokyoHariMutsamviNjuzuNdira 2NzimbePonoShava MufakoseDzomaNdariraMubvandiripoNhekairoBumbiro (zvakakoshesa)Nyamavhuvhu 23Shava MuseyamwaLisbonDerereChiSpanishVanuatuItariChindauZvita 3DuramazwiMubhununuFloridaUkristuMwenemutapaMupurwaMutumbu sezitaChivabvu 30🡆 More