Rupinguro rweMishonga (chemical reaction, change of form, state or attitude) zvinoreva kushanduka kana kupishinuka kubva pakubatanidzwa kwakaitwa hatomu dziri pamishonga.
Rupinguro rweMishonga runoonekwa kana chimwe chezvinotevera chaitika:
Mazwi anoti Rupinguro rweMishonga runotaura kushanduka kwechimiro chemushonga kuburikidza nekushanduka kunenge kuchiitika pane zvakakomberedza mushonga. Zvakafanira parizvino kuonesana kuti mushonga uri pamhene pane mhepo uri kutosangana nemhepo ipapo panosangana mhepo nemushonga. Muchidzidzo chezvemishonga mhepo itori mushonga une magasi akasiyana-siyana. Saka kana mushonga uyu uchikwanisa kuita muvandu nemhepo unototanga kuita. Zvakafanana ne iron iri pane mhepo nemvura inotanga kuita ngura.
Izwi rokuti kupingura rinotaurwa kuChiNdau richireva kupindura - (answer, reply, respond, react).
Rupinguro rweMishonga runokwanisa kuitika nokukasira kana kunonoka zvichienderana: nemishonga yacho yasanganiswa; uye kuti mishonga iri pahujoto hwakadii nemutsindo wakadii.
Somuenzaniso gasi rinonzi oxygen rikasanganiswa negasi rinonzi hydrogen pahujoto 100oC nemutsindo 1 atmosphere, panoitika rupinguro rwemishonga runoburitsa mvura; Kupishinuka uku kunoitika nokukasira kwakanyanya. Pakupishinuka uku panonzwikwa kuputika.
Panoita iron ngura inenge yasangana nemvura – kuvanduka uku kunoitika kuchinonoka nenzira isina kuputika.
Pano pari kuumbwa mazwi matsva anokwanisa kuzoshandurwa kana mutauro wedu wokura. Chikumbiriso kuti musashandura kana musingaunze shoko idzva. Tarisai nhasi English inodana kukwata kwemabwe kuti volcano zvichibva pazita ramwari wemaRoman weMoto nemarimi emoto. Zita iroro rakapfumbira kusvika nanhasi kunyangwe ruzivo rwavepo rwokuti "volcano" hainei nechekuita na"Vulcan" mwari wemaGreek.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Rupinguro rweMishonga, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.