Gasi (Nge.
gas) muchidzidzo fundoyetsimba izita rinoreva zvinhu zvinenga mweya watinofema, zvisingabatike, asi zvichigona kunzwika kuti zviripo. Gasi imhando yesebhe dzinozivikanwa dzinosanganisira godo ne mutuvi.
Gasi rinotambanuka kuzadza nzvimbo kana rongo rarinenge raiswa, zvakare rinogona kutsindirwa kana puresha yawedzerwa. Izwi rokuti gasi ratorwa kune shoko reChingezi. Mienzaniso yegasi inosanganidza oxygen, carbon dioxide, hydrogen, hydrogen sulphide zvichingodaro.
Mweya watinofema wakaumbwa nemagasi anoti: nitrogen; oxygen; carbon dioxide; munyonhi; nemagasi nharangani. Nitrogen ndiyo ins huwandu hwemakumi masere nemapfumbamwe kubva pazana (79%). Oxygen ine 20%, hwemakumi maviri kubva pazana.
Magasi Nharangani anoonekera pakuti haana munhuwi, haana ruvara uye ane hatomu nyaumwe - monoatomic. Magasi nharangani anosanganisira: Helium (He), Neon (Ne), Argon (Ar), Krypton (Kr), Xenon (Xe), Radon (Rn). Shoko rokuti nharangani rinodudzira chinhu chisingawanikwi nhando - rare, scarce.
Mweya wakakomberedza kana mweya wakapoteredza (ambient air) zvinoreva mweya uri munharaunda yakamborerera nzvimbo iri kucherechedzwa.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Gasi, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.