Kubvumbura (de-husk i.e. separate bran from meat of maize or sorghum).
Tinotyora chibage mumunda, ndokuchifurura nokuchiisa pamurwi kuti chiome. Chikaoma chinopurwa chova musvo. Musvo unorongedzerwa mudura. Kana hwodikwa upfu, wovazhwa musvo nokudururirwa muduri. Zvino wodzvurwa kuti usvokotorwe maunwa. Wozodururirwa murusero kuti ubvumburwe. Zvino wozosara dzava shoro. Shoro dzogayiwa dzichiva upfu: we break off a maize cob in the field, peel off its outer cover and put it on a heap to dry. When the cobs are dry they are threshed and become grains. The grain is put into its proper place in the storage bin. When meal is wanted, grain is poured into the mortar. Then it is pounded in the mortar to remove the skin from each grain. Next it is poured into a winnowing-basket to separate the husks from the meat of the grains. What is left is crushed maize. Crushed maize is ground into meal.
Kushogogora kana kusodogora (to pluck mealies from a stalk at harvest) zvinoreva kukwachura muguri wechibage kubva padzinde.
Kurerurtsa Mutauro
Hanu kana haro (Space between two objects). Siya hanu inoita mainjisi mapfumhamwe kana uchidyara chibage: leave a space of nine inches between the drills when planting maize.
Nyungwe vanoti ngalangala (n. corn silk) kureva ngarara. VaZigula vanoti magombo (cob of maize after the maize has been rubbed off) iguri watonongorwa.
Lunyoro vanoti ibere (n. head of maize) kureva muguri wechibage. VaWabo vanoti naamabedde (n. maize) kureva chibere.
Kikuyu vanoti mbembe (corn, maize) kureva chibage. Kimbundu vanoti disa kana masa (n. corn, maize) kureva chibage.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Chibage, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses. ®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.