Bhumi

Bhumi (kuChingezi: wolf) bhumhi kana chimbwa bhumhi (canis lupus) imhuka ye raya rechikara.

Rine mazita akasiyana se bhumi rettimbha uye bhumi pfumbu. Ndiyo tateguru ye imbwa dze chipfuyo. Muzvifundo zvemazuva ano zvakaonekwa kuti imbwa ye chipfuyo yakabva kubhumi dzakapfuywa (tamed), pakutodza nguva muudzokashure kuchamhembe cheRwizi Yangtze kuChayina makore akatanga kuona dziva re azvakatanga kuitika haadarike 163,000. Kune madzasirudzi (subspecies) e bhumi akasiyana, senge Bhumi re Akitiki. Mamwe madzasirudzi akadorongodzwa pane marudzi ari panjodzi (endangered species), asi pamusoro pezvose, chimbwa bhumhi iri pa IUCN yakagiredhwa semhuka dzisingaverengerwi njodzi.

Bhumi
Mufananidzo weBhumi ichitarisa Kamera.
Hupangu mu sainzi
Muvuso: umhuka (animalia)
Faramu: Kodhata (chordata)
Musaku: Dzinoyamwisa (mammalia)
Raya: Hukari (carnivora)
Mhuri: Mbwa (canidae)
Mbari: Chimbwa (canis)
Rudzi: C. bhumhi (C. lupus)
Zita Piri (binomial)
Chimbwa Bhumhi (canis lupus) Linnaeus, 1758
Ndudzi
Tarisai Chimbwa bhumhi
Bhumi
bhumi chena

Zita

  • Zita rebhumi rinowanzo shandurwa se mhumhi paGuguru, uye mubhaibheri, asi shoko iri rinomirira mhuka inozivikanwa se 'Imbwa ye Afurika yemusango', saka hazviiti kuti zita iri (mhumhi) ripihwe kumhuka yeimwe, yedu ichisiyiwa isina zita.
  • Vamwe vatauri weChishona vanoti bumhi kushevedza mhumhi.
  • Nekuda kwemazita maviri aya, shoko rekuti bhumi uye bhumhi riri kushandiswa kumirira iyo 'wolf', nekuti, imhando yembwa yemusango futi. Saka zita rekuti bhumi kana bumhi rinogona kuramba richishandiswa.
  • Saka bhumi inogona kunzi bumhi, kwete mhumhi. Zita rekuti bhumi riri kushandiswa kakuru pano kuitira kuti vatauri vemumwe mitauro yeChishona vasakanganiswe kana vachiziva mhumhi sebumhi.

Ratidziko

Bhumi hombe dzinowanzo kura masvika 1.4 kana 1.8 mamita (4.6 kusvika 5.9 ft) muhurefu kubva kumhuno kusvika kumuskwe zvichienderana ne madzasirudzi. Bhumi dzinogara kumawodzanyemba anowanzowa mahombe kudarika anogara kuchamhembe. Bhumi kuru dzinowanzo rema zviripakati pe 23 kusvika 50 makeiji (51 kusvika 110 lb). Bhumi yairemesa yakanyorwa yaive 86 makeiji (190 lb).

Bhumi ine mazoru (mazzle) refu, mazhebe madiki, makumbo marefu uye muskwe murefu wakaita segwenzi.

Bhumi dzinowanzo pimwa 26 kusvika 38 manichi (inches) (66 kusvika 97 cm) pabendekete. Bhumi dzine mbava (fur) yakagadzirwa nemahwada maviri. Hwada repamusoro mukwesa netsvina uye hwda repasi rinokwesa mvura. Ruvara rwembava hwadzo hunogona kusanganisa pfumbu, chena, tawupe (taupe), mbise, uye tema.

Mamwe Mashoko

Tarisai futi Upangamutowo

  • Hupangu muSainzi (scientific classification)
  • Kingdom - Muvuso kubva kushoko rekuti Muvuso (kingdom; state)
  • Phylum - faramu
  • Class - musaku
  • Order - raya
  • suborder - dzasiraya (suborder "under order")
  • Subgroups - nyasiboka
  • species - rudzi
  • subspecies - dzasirudzi
  • genus - mbari
  • subgenus - dzasimbari
  • family - mhuri
  • subfamily - dzasimhuri

Mifananidzo

Mamwe mapeji ekutarisa

Mabviro eruzivo

Tags:

Bhumi ZitaBhumi RatidzikoBhumi Mamwe MashokoBhumi MifananidzoBhumi Mamwe mapeji ekutarisaBhumi Mabviro eruzivoBhumiChayinaChikara ChesangoChingeziMhukaZvipfuyo

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

NjivaMunhimbitiNunguNguvaKombiyutaMurandaNhevedzwa dzeMvuraChiredzwaMhondoroAaron Chiwundura MoyoChipfambiDunhu reManicalandRuambanhangaChizuluNdira 25KuvaviwaKareyaHuguguTsumoKukumbana pabondeHutanoKubvumbi 22Kae ChapsMukaratiGungwa re PasifikiSarapavanaKurume 29Dandira reMapangana eTarachisiKushinhaMuhuteShava MuseyamwaChayinaBhizimusiChisepeShumba NyamuzihwaChemishongaZongororoNdira 29KazakhistaniVaigbhoTaabwaGavaJosiah TongogaraSamaita MutasaNyong'oMbira, MhukaIjipitaMusamboMapudziDanhautandeVaRembaMukwereraUpanganhunduNiyakariMachendeChin'aiMharaUnited Arab EmiratesGunganidzoKubvumbi 23MatsutsoKuchenamaZisoNdira 8MadoraLondonDuri neMutsiChimeraShava MufakoseChikoroVazezuruNguva dzezuvaTsvuku🡆 More