Mukwerera

Mukwerera imhembero yaiitwa uye ichiri kuitwa munyika Zimbabwe.

Imhembero inokosheswa zvikuru muchitendero chevagari vemunyika iyi. Mhembero iyi yaitungamirwa neSvikiro yaitaura neVadzimu vachikumbrira mvura. Mhembero iyi yaiwanzo itwa panguva iri pakati pekutanga kwa Nyamavhuvhu nekupera kwa Gunyana kuti vazokumbira kuti mvura inaye mumwaka we Chirimo waizotevera. Mhembero iyi yaikwanisa kuitwa zvakare kana mvura ikasanaya. Kusanaya kwemvura kwaive chiratidzo chekuti vadzimu vakanga vasina kufara nevagari venyika. Mhembero iyi yaizoitwa kuti vanhu vakumbire ruregerero uye vabvunze zvavangaita kuti vazoripa zvitadzi zvavo.


Zimbabwe inyika inechitendero chakasimba uye chitendero chacho chinovakwa nekutenda kuti vadzimu vanopindira uye vanotireverera kunaMwari. Zvaizivikanwa kuti chikumbiro chinosvitswa kunaMwari nevadzimu chakanga chakasimba kudarika chaisvika kunaMwari pasina murevereri. Zvaifungwa zvakare kuti Mwari anoera zvikuru zvekuti vanhu vaisakwanisa kungotaura naye pasina anopindira. Vatenderi vanotenda zvakare kuti Mwari ndiye ega anokwanisa kuita kuti mvura isanaye.

Magadziriro emhembero

Mvura yaikumbirwa nenzira inozivikanwa kunzi Mukwerera Hierarchical Traditional Communication Model. Nzira iyi yaifambisa nhau ichitevedza kukosha kwevanhu uye zvigaro zvavaive nazvo. Mambo ndovaipa bvumo yekuti magadziriro atange uye vaizotuma nhume kuti inopiwa zviyo zvekubikisa doro. Zviyo izvi kana zvaunganidzwa zvaipiwa kune vakadzi vachembera neMhandara. Vanhu ava vainzi vaaive pedyo neutsvene sezvo vaisaziva zvepabonde. Ndivo vaibvumirwa kukuya zviyo uye kubika doro remhembero. Vamwe vakadzi vaitsanya bonde kwemazuva aiitaurwa neSvikiro kuti vakwanise kubetsera pakukuya kwezviyo nekutakura kwemidziyo. Varume vaisabika doro asi vaikwanisa kubetsera pakutema nekutakura huni dzekuvesesa moto wekubikisa doro. Kana Doro rabikwa, raizoendeswa kuna Mambo vaizoendesa kune Svikiro yaitungamira mhembero. Vanhu vaizokokwa kunzvimbo dzaiera kuti mhembero izoitwa.

Nzvimbo Dzaiera

Mhembero dzainge dzakakosha seizvi dzaiwanzokitwa mumakomo kunge kuNjelele Shrine Yaikwaniswa kuitwa muzasi memiti dzaiera zvakare kazhinji muti waishandiswa waive Muhacha. Nzvimbo idzi dzaiera dvaizivikanwa kuva nzvimbo dzaigarwa nevadzimu, dzaisanganisa mapako, masango uye nzizi. Nzimbo idzi dzairemekedzwa nekuti vazhinji vaitya kutsamwisa vadzimu uye kudzinga vadzimu kubva munyika.

Mhembero

Doro raitakurwa nemhandara nechembere asi vaisasvika pedyo nenzimbo dzaiera kusvika nguva yakwana. Svikiro yaizosvika ichiombera nekutenda Mwari uye ichikumbira mvura. Svikiro yainge yakapfeka chuma, nenguwo nhema yaigadzirwa nemambava eshiri. Mhembero iyi yaisanganisa kuimba, kutamba, kuridza ngoma nembira. Paive nemitambo waizivikanwa kuitwa paMukwerera. Mitambo uyu waisanganisa Njelele, Jichi neMhande. Kare, mutambo uyu waiitwa nechembere neharahwa dzakanga dzakashama. Izvi zvaikonzera kuti mhembero iyi isabvumirwa kuonekwa nevechidiki. Dzimwe nguva, vechidiki vaiperekedza nokuti ndivo vaikwanisa kutakura midziyo nedoro saka vaitevera kuti vabatsire harahwa nechembere dzaienda. Dzimwe nguva, doro raidirwa muchikomba, vanhu vaikurudzirwa kumwa kubva muchikomba ichi nokuti zvainzi aimwa aikomborerwa nevadzimu. Paizopera nguva, svikiro yaizosvikirwa nevadzimu vaizotaura manairo achaita mvura uye paichatanga kunaya. Varimi vaiudzwa nguva yakanaka yekutanga kurima kuti zvirimwa zvo vo zviwane mvura yakanaka. Muchikare, vanhu vaifamba kubva kure kuti vaende kuNjelele Shrine kwaizivikanwa nenyaya yeizwi rainzwikwa kubva kudombo raiera mumakomo. Dzimwe nguva, mvura yaitanga kunaya pakati pemhembero. Izvi zvaitaridza kuti chikumbiro chanzwikwa, pakadai vanhu vaifamba vachidzokera kumba vachifara nekuimba. Zvaisatenderwa kuzvovhara kana kutiza mvura sezvo zvaikwanisa kuonekwa nevadzimu sekusatenda uye kwaigona kumira kunaya.

Mhembero dzemazuvaano

Mhembero iyi yakashandurwa nekuuya kweChiKiristu nevarungu. Mukwerera nedzimwe mhembero hadzisisina uremu hwadzaimbiva nadzo. Vanhu vashoma mumisha vachiri kuita Mukwerera sezvayaitwa nevatateguru vedu Mhembero iyi ichiri kuitwa nenzira yakasiyana. Inoitwa gore negore semunamato wemvura uye Vakatorike vanoita Nwisa yemvura. Vatenderi vanoti kusanaya kwemvura munyika yeZimbabwe kukukonzerwa nekusaremekedza nekutevedza nzira dzechivanhu dzekukumbira mvura.

References

Tags:

Mukwerera Magadziriro emhemberoMukwerera Nzvimbo DzaieraMukwerera MhemberoMukwerera Mhembero dzemazuvaanoMukwereraChirimoGunyanaNyamavhuvhuSvikiroZimbabwe

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

Gunyana 10MupurwaNharaundaPfumoNyaudzosingwi M-PRooranai vematongoZvita 25RusamboChekiMudusoMalaysiaVaswahiliGwaiMbuneTuvaluMombeVandauVandebele (vekuMaodzanyemba)MaterekeChikuvamagwaroCape VerdeSekuruUkristuNigel ChanakiraMvuuVafulaniKim Nam-joonNyamavhuvhu 1MbabaneZvoseGonyonhatu tsazakoseHwembwa (bonde)ChepiriFuranziKurume 19IshwaMhara2024Mweya (wemunhu)MakangaraKudhomaHute (ruvara)NaijeriyaDhadhaVavhendaChijapaniMupandaMagwegwe, BulawayoSvoviNyamavhuvhu 2GakanjeGuruuswaMakawoPTurning TorsoKumiminaChindeyaChaminukaMutauroChishanuChiedzaΣNyanzviMazita eChishonaNyani (mhuka)Nguva dzezuvaMukombe2020UchivanhuMongoliaVabujaZimbabwe🡆 More