Mutauro (ku Chingezi: language) kana rurimi hunhu wevanhu unoita vakwanise kutaurirana, uye mutauro unorevawo muenzaniso wezvinoitika.
Ruzivo rwakadzama nezvemitauro runonzi ururimi (linguistics). Nyanzvi dzemitauro dzinonzi vanagodobori.
Pane kufungidzirwa kwehuwandu nezvemitauro pasirose yakasiyana-siyana pakati pe5000 ne7000. Nyanzvi dzinofungidzira kuti pakati pemakumi mashanu kubva muzana yemitauro kuchange kuchina zvekuti pakupera kwegore 2100 inenge yaparara.
Mitauro iri kushanduka nekufamba kuri kuita nguva, nemunhoroondo yekushanduka inogona kuvakiridzwa nekuenzaniso nemitauro yemazuva ano. Mitauro inotaurwa nevanhu vakabva kumadzitateguru ane madzinza akafanana vanotaura mhuri ye mitauro yakafanana.
Marudzi anonyanyotaurwa anosanganisira mitauro yeChiindo-Yuropu (neChirungu neChispanishi), mitauro yeChisino-Tibheti (neChimandarini, Chikandonisi), mitauro yeChiafurika-Ezhiya (neChiarabhu, Chiamhari, Chisomari, neChihebheru), nemitauro yeChibantu (neChiswahiri, Chizulu, Chishona).
Mashoko aripazasi ndiwo anoshandiswa kutsanangura zvemaumbirwo omutauro.
Chishona | Chirungu |
---|---|
Mutauronyina | dialect |
bumbiro remabhi | alphabet |
(chi)dudzirachiito | adverb |
chiitirwa | object |
chiito | verb |
chirevo | sentence, clause |
chisazita | pronoun |
chivakamberi | suffix |
chivakashure | prefix |
donzo rechiito | mood |
donzo rechishuwo | subjunctive mood |
hwidzazwi | high tone |
izwi rokutapa | loan word |
izwifanana, fananadudziro | synonym |
kwarakabva (izwi) | etymology |
maumbirwo (omutauro) | grammar, structure of the language |
muiti | subject |
ndevohuru | main clause |
nguva (yechiitiko) | tense |
nguva ichangopfuura | recent past tense |
nguva ichauya | future tense |
nyaudzira, vara | syllable |
rudzi | word class |
ushoma | singular |
uwanda, uzhinji | plural |
varamai, nzvanyira | consonant |
varamwana, nzvovera | vowel |
zita | noun |
Tarisafuti Umbamutauro
Constructed language kana Conlang mutauro une ruambainzwi (phonology), maumbirwo, uye mazwi, pachinzvimbo chekukudziridza zvakasikwa, zvine hungwaru zvakaumbwa kana kugadzirwa sebasa rekunyepedzera. Mitauro yakaumbwa inogona zvakare kutaurwa semitauro yekunyepedzera, mitauro yakarongwa kana mitauro yakaumbwa uye mune dzimwe nguva, mitauro yekunyepedzera.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Mutauro, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.