Chinyorwa chino chinotaura pamusoro penguva dzezuva nematauriwo adzinoitwa muZimbabwe.
Nguva yemangwanani ndiyo nguva yokutanga kwezuva kubva pakuyedza kwezuva vanhu vachimuka. Nguva iyi inotaurwawo nenzira dzimwe dzakasiyana. Kubata jongwe muromo kunotaura kuti munhu amuka rungwanani machongwe asati akukuridza. Mashambanzou inguva yerungwanani zvakare apo panoonekwa nzou dzichienda kudziva kunonwa mvura nokugeza miviri yadzo.
Iyi inguva yokunge zuva rakwira zvichibva pana 12 masikati. Panguva iyi vanhu vanenge vokwazisana Masikati asi kwete maswera sei?. Rudziyakamwe inguva apo zuva rinopisa zvakanyanya; panguva iyi zuva rinenge riri pakati pedenga richirova nhongonya. Nokumwe kutaura nguva iyi inonzi yechikumura mabhachi.
Nguva yemanheru inotaurwa kana zuva rarereka paye parinenge ronodoka. Apa vanhu vanenge vokwazisana manheru, maswera sei?. Nguva iyi inotaurwa nenzira dzimwe dzakasiyana. Rubvunza vaeni inguva dzekunge zuva ronodoka vanhu vabva kumabasa kana kumunda apo paisvika vanhu mumisha kwobvunzwa kuti ko ndiani mueni asvika pamusha uyo. Nokumwe kutaura nguva iyi inokwanisa kunzi madeko.
Shoko rokuti husiku rinotaura nguva iyo zuva rinenge radoka kwasviba, kusisina vazhnji vanobata basa kana kufamba. Nguva iyi inobatanidza apo vanhu vanenge varara ichinopinda murungwanani.
Ticharara kwaMutoko husiku huviri. We shall sleep two nights in Mutoko.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Nguva dzezuva, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.