Banga

Banga (Knife in English) mudziwo unoshandiswa kucheka zvinhu zvikurusei pakubata mabasa anoti: kubika, kuvhiya, kumenya zvichingodaro.

Nhengo yebanga inocheka yakagadzirwa nesimbi yakapfekerwa pamubato. Mubato unokwanisa kunge wakagadzirwa nesimbi, plastic, muti kana chimwe chakasimba.

Banga

Nhengo yebanga ine panocheka (blade in English) inonzi chese. Zita iri rinoshandiswawo kutaura chisimbi chinotema chedemo, kana badza.

Mamwe Mazwi

  • Harambi (Handle of sword or dagger). Bata harambi yebakatwa somurume: take a firm grip on the handle of your dagger
  • Gwese kana gweshe (blunt object especially a knife) apa kureva banga rakagomara. Banga rakagon'a kana chigon'a. Banga iri igweshe.
  • Kuvedzenga (v. To cut in strips; cut in slices).
  • Chidaduro (sharp knife) apa kureva banga rakapinza.
  • Kuvhiya kana kuvhuya (to skin, flay).
  • Dika kana dimbo (sharp pointed stick, 2. Sharp stake in game-pit) zvichireva chimuti chakapinza chine unzi. Kana zvawanda zvonzi matika.

Tsumo

  • Akumbira banga kuti azivikanwe kuti abaya.

Mazwi eBantu

  • Kikongo vanoti kutu (Scabbard; sheath) kureva homwe inopfekerwa banga kana munondo.
  • Baila vanoti insonga (point of a spear or knife) kureva kanzvi kepfumo kana kebanga.
  • Lenje vanoti kola (be sharp - of a cutting edge or point) kureva kuva chakapinza.
  • Herero vanoti via (v. to divide; cut) kureva kuvhiya. Mamwe mazwi: oru-vio (n. knife). Omu-via (n. cut).
  • Runyambo vanoti omusyo (n. knife) kureva banga.

Tags:

KuvhiyaMubatoSimbi

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

VambireChirimoGudovietnamNgomaSinyoroFloridaZvinyorwa zve Zvechivanhu kuzhe kwe WikipidhiyaNyembaBhuritaniShondoMufandichimukaUbhaha'iYemeniHangaMupandaKukumbanaChidemboKubayaChaminukaNjuzuTsvimborumeUchivanhuPeji rekutangaHupenyuVakalangaPasikaChikumiMtongoriHuronyoMutauroChiNdeverePfumbuChaminuka (sezita)SeyisheriWikipedhiyaChaungaChishanuSaudhi ArabhiaNzunzaSusoMukondombera weAIDSTsanga (Dzinde)Rudzi rweGandaKonfuzhiMareyaChiveveJeon Jung-kookKarenda ya GregoriGungwaHunyanzviVavhendaChikumi 18Gonyonhatu tsazakoseNorth KoreaChipiriFuranziMbadaSamasimbaGiles KuimbaMombeMlalaziMhakureShumbaHumweSekuruNdarama2022YuropuGunyana 10🡆 More