Hupenyu

Mazwi anoti ndaramo, huraramo kana hupenyu (life) anotaurwa pamusoro pezvinhu zvakacherechedzwa kuti: zvinorarama; zvinotsvaga kudya; zvinoberekana; zvinokura kana kukwegura uye zvinofa.

Pane zviitiko zvitanhatu zvinotsawuranisa zvinhu zvipenyu nezvinhu zvisina upenyu. Zviitiko izvi zvinowanikwa muzvinhu zvose zvine hupenyu asi hazviitike pazvinhu zvisina hupenyu.Kuva nehupenyu kunotaridzwa nezviitiko zvinosanganisira:

  • Kutsvaga chokudya.
  • Kushandudza simba kubva kumhando imwe kuenda kune imwe.
  • Kurasa tsvina dzemuviri.
  • Kubereka vana.
  • Kusamhuka nekunhadzirisa nhengo dzemuviri. Apa kureva kukura miviri.
  • Kufambisa mishonga inodiwa nemuviri.

Izwi rokuti ndaramo rinoshandiswa zvakare kutaura chinonzi safety kuEnglish apa kurevera Kati zviri kuitwa hazvina njodzi, hupenyu hwevanhu hunochengetedzwa. Nokumwe kutaura tingati rudekaro!!!

Mamwe Mazwi

  • Hupenyu, kurarama, kupona (life) zvinoreva nguva yekurarama kwemunhu, mhuka kana chimwewo chinhu chine hupenyu .
  • Adhamu wakapona makore zana nemakumi matatu (130), wakabara mukororo: After Adam lived 130 years he fathered a son ... (Genesis 5:3 Bhaibheri reChiNdau).
  • Kune zita remhuri rinonzi Mupona.

Mitauro yeBantu

  • VaKongo, VaLenje neVaNyungwe vanoti moyo (life). VaChewa vanoti umoyo (life, constitution, soul).
  • VaBemba neBaila vanoti bumi (life) kureva hupenyu. VaTonga vanoti buumi kana maumi (n. life, health) kureva hupenyu.
  • Yao inoti umi (n. life) kureva hupenyu. VaKabwa neVaIkizu vanoti -menya (dwell; live) kureva kugara.
  • VaLozi vanoti bupilo (n. life) kureva hupenyu. Vanobva vati -pila (v.t. to live) kureva kurarama. VaVenda vanoti vhutshilo (n. life - no plural).
  • Tiriki inoti khumenya (live, dwell, stay at a place) zvichireva kugara panzvimbo. Maconde inoti ulama kana umi (life).
  • Swahili, neDigo vanoti uzima (1. life, vitality; health, vigor, energy; 2. full development; 3. maturity; adulthood; 4. completeness, perfection; 5. existence, reality).

Tags:

Huraramo

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

BhurumaBhuritaniZvita 31ChiazeriDandare remagetsiGunguwoNhekweBonga ChihwaNdira 19MinskKubvumbi 8HukuChirembaRuvengoVashonaMazita eMitiZiwumbeChihausaGomo reNyanganiUsezaNaijeriyaZvita 17SipwiBhariMweya (wemunhu)UvakiImbwaNyamavhuvhu 3MapapuMukondombera weAIDSBhaziHariTurukiUjudhaBere, MhukaMbezoVukireniEsperantoMunyoriDemoBhukuHangaiwaKonfuzhiClement DokeKanadhaKubvumbi 30Yunivhesiti yeZimbabweIsaac NewtonZvita 1MhungaDarejenaWikiduramazwiRooraAmerika MaodzanyembaBonyoraKubvumbi 3Kutema NyoraMutandira weZuvaRuambandangaChinamatoRunhareSamaita MutasaMuroyiNhareyamadoJapaniPonoChikunguru 16NhoroVusvwisiMazita eChishonaBununuHondo yePasirose yeChipiri🡆 More