Chindevere (Nde: Sindebele; Nge.
<- | Dzvanyai Pano: Kudzidza Chindeḅele | -> |
---|---|---|
Northern Ndebele) kana Chindeḅele pa Chishona, mutauro we Chibantu unowanikwa munyika dzinoti: Zimbabwe, Afurika Chamhembe neVutswana. Kunonzi zita rokuti Ndeḅele rinobva pakuti teba, zvichireva kunyura kumutauro weChitswana nokuti varwi veChindeḅele vainyura seri kwenhoo dzavo panguva yekurwisana nemuvengi. Chindeḅele mutauro we Chinguni izvi zvinoreva kuti unonzwisisika kuvamwe vanotaura mitauro yechiNguni (kwete mitauro dzese) sezvinoita mitauro yechiShona. Chindeḅele chinonzwisisika kune vanhu vanotaura Chizulu, Chixhosa kana Chiswati, asi Vazulu ndivo vanonatso nzwisisa Chindeḅele nekuti munhoroondo Chindeḅele chaive Chizulu, asi pavakazo paradzana ndipo pakasikwa Chindeḅele ne rusinga rwe Vandeḅele .
Chindeḅele chekuMaodzanyemba (chekwedu kuZimbabwe) chakasiyana ne Chindebele chekuAfurika Chamhembe.
Chishona chinoti Chindevere, Chindevele kana Chindeḅele pachiiswa dhoti pazasi pe "ḅ" nekuti akasiyana neweChishona.
Mandeḅele vanoshanidsa Chiratini kunyora, asi vane mabhii avo anoenderana nemutauro wavo, nekuti Chiratini hachina manzwi arimo muChindeḅele .
a | b | c | d | e | f | g | h | i | j | k | l | m | n | nd | ng | o | p | q | r | s | t | u | v | w | x | y | z |
---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|
bh | ch | dl | gw | hl | jw | kh | lw | mp | nk | ndl | ngw | ph | qh | th | th | xh | |||||||||||
chw | gq | khw | mhl | nt ntw | ndw | ngx | tsh | ||||||||||||||||||||
gx | kw | ml | ny | ||||||||||||||||||||||||
kl | mtsh | nx | |||||||||||||||||||||||||
mph | nq | ||||||||||||||||||||||||||
mz | nj | ||||||||||||||||||||||||||
mng | nz | ||||||||||||||||||||||||||
mg | ns | ||||||||||||||||||||||||||
mb | nw | ||||||||||||||||||||||||||
nc |
Zvinzvovera kana Zvivaramwana
Nzvovera | Chindeḅele | Chisitandadhi Shona | Chirungu |
---|---|---|---|
a | amanzi | mvura | water |
e | eba | iba | steal |
i | ingwe | ingwe | tiger |
o | oma | oma | dry |
u | ugogo | gogo / ambuya | grandmother |
Chistandadhi Shona | Chindeḅele |
---|---|
baba | ubaba |
pamberi | phambili |
kuseka | ukuhleka |
varimi | abalimi |
muvusi | umbusi |
vakadzi | abafazi |
mugwagwa | umgwaqo |
dhorobha | idolobha |
kushanda, kusevenza | ukusebenza |
kudya | ukudla |
chibage | magwere |
kufamba | ukuhamba |
rurimi | ulimi |
mhara | impala |
nyati | inyathi |
nzou | indlovu |
chanza | isandla |
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Chindebele (chekuMaodzanyemba), which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.