Mukweso

Mukweso wemagetsi (muChirungu: electrical resistance) wechinhu chinoshanda nemagetsi zvinoreva kupikisa kwekufamba kwemuyerero wemagetsi muchinhu ichocho.

Kana mukweso wakondekwa (inverse) unonzi mugwinho; izvi zvinoreva kuti zviri nyore sei kuti muyerero wemagetsi upfuure muchinhu chinoshanda nemagetsi. Chiyerwo chemukweso mudandira rezviyero pasirose (SI) chinonzi ohm. Mugwinho hunoyerwa mumasiemens.

Mukweso
Chiromukweso (resistor), sekuzikanwa kubva pakodhi yemavara yezveugetsi (electronic color code) (blue–green–black-gold). Ohmita inogona kushandiswa kunyatsozivisa kuti chiremo ichi ndechemachokwadi here.

Chiro chine mucheko wenharaunda, wakaenzanirana chinoratidza mukweso une rupandavaro rwakadondeka hurefu. Zvinhu zvese zvine mukweso wemagetsi, kunze kwemasupakondakita asina mukweso.

Mukweso (R) wechiro unodudzirwa semudida webasa paumwe hwechaji (vhoruteji) kumativi kwechiro (V) nerufuvha muchiro ichocho (I) pachiva nemugwinho (G) iri pindukwo yacho:

Kune zviro zvizhinji, V na I zvine rupandavaro rwakadondeka; izvi zvoreva kuti R na G mikokonerwa (constants) (asi zvinogona kushanduka zvichienderana nezvimwe zvinhu somuenzaniso, hujoto). Rupandavaro urwu runodudzirwa neMutemo waOhm uye zviro zvinotaridza rupandavaromsaizvozvi zvinonzi zviro zviri ohmiki.

Mukweso wemagetsi unoyerwa neohmita (ohmmeter).

Rimwe izwi rinoreva resist nderekuti kutayira, kutavira.???

  • Kukwesa (Be defiant, contumacious).

Mikweso inogarowanikwa

Chiro Chemagetsi Mukweso (Ω)
1m yewaya yemhangura
ine gurapakati ye1mm
0.02
1 km waya yemagetsi yepamusoro
(inonyano wanikwa)
0.03
Bhatiri reAA (mukweso wemukati
unonyanyowanikwa)
0.1
Firamendi yegirobhu rakare
(incadescent lightbulb filament)
(inonyanyowanikwa)
200-1000
Muviri wemunhu 1000 to 100,000

Mitauro yeBantu

  • VaWanga vanoti okhukhwesa (pull; draw; drag). Olunyala vanoti khwesa (v. Pull).
  • VaNyole vanoti ohuhwesa (pull; drag; stretch).
  • VaVenda vanoti nungo kana maanda (n. resistance).

Kwakawanikwa Ruzivo

Tags:

Muyerero wemagetsi

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

MutiChiviGonyonhatu tsazakoseChitakaRumandaMoyo ChiranduRwizi ParagwaiMhondoroSvikiroZvinyorwa zve Zvechivanhu kuzhe kwe WikipidhiyaNhembeTsanga (Dzinde)NdaraNdemaraVakarangaMareyaHarareChiNdevereGotweShiriCape VerdeNjeeNdira 10VandauKurume 19PvietnamRanjisi (ruvara)Nzou - SamanyangaPutugaroChipokoJongweNyatiFifuKutundaNguva dzezuvaKutanda botsoMbiseMuriwoVandebele (vekuChamhembe)ChepiriVakalangaMhopo (Bundu)ChibhunuHumweMamotaShumba GwaraUngwaruUnguGenesisiChiwesheShumba -MhaziSokisiZvidyoHambautareMhakureUchivanhuVatongaKukutaGhini YomutsazanisiManejaTsanoShava MvuramaviChaungaFanzaMusiVhangeri ra RukaSolomon MutswairoSanto DomingoNguoMabayoUtare🡆 More