Nyati (Buffalo in English) imhuka yemusango iri mumhuri yemombe.
Nyati dzinowanikwa muziwumbe reAfrica pamwe neAsia. Nyati dzinokura kuita huremu hunosvika 685 kg. Dzinoreba 2.1-3.4m kubva kumusoro kusvika kubesu, pamapendekete dzichireba 1.3-1.7m. Mhuka iyi ine makumbo makobvu akasimba samare, uye ine nyanga dzinopetera kupinda mukati. Mikono inoita nyanga dzinobatana pakati.
Musambara zvinoreva hurefu huripo kubva pahuma kusvika pabesu panotangira muswe wemhuka.
Nyati dzinowanikwa mumasango nemapani eAfrica. Mhou nevana vadzo pamwe nemikono ine makore 2-3 dzinogara mumatanga anokwanisa kukura kusvika chiuru (1000) chemhuka. Mhuka dziri mudanga iri dzinochengetana dzichiita chirwirangwe chokuti kana danga reshumba rinodzinganiswa rikashaya chokubata. Mikono yakura inogara mumapoka angaita mhuka 3-4. Nyati dzinofura sora nokudya rimwe bundo rakasiyana-siyana. Dzinonwa mvura kamwe pazuva saka dzinonyanya kugara pedyo nepane mvura.
Nyati inotakura pamuviri kwemazuva 340 ichizvara mhuru imwechete (1) ingaita huremu hunosvika 40kg. Mhuru idzi dzinohwandiswa mubundo kuti dzisawonekwa nechikara chesango. Panguva iyi mhuru inoyamiswa namai vayo kwemavhiki akati ichizorumurwa pamazuva 120-360. Mikono inoti kana yasvitsa makore maviri inosiya amai vayo asi nzvari dzinogara naamai vadzo kudzamara dzabereka mhuru. Mikono inoyaruka zvokubereka pamakore manomwe (8), nzvari dzichiyaruka pamakore mashanu (5). Nzvari dzinotandwa nemikono chero nguva yegore asi kutandwa kuzhinji kunoitika mumwaka wekunaya kwemvura.
Nyati inovhimwa nevanhu muno muAfrica. Kana dziri mhuka dzesango: shumba; mapere nembada ndidzo mhuka dzesango dzinovhima nyati. Zvinotora danga reshumba kuti mukono wenyati uwire pasi; shumba imwe haizvikwanise; kana napo iro danga reshumba rinenge ramboshupika richimbodzinganiswa nenyati huru. Mapere nembada zvinonyanya kuvhima zvichitsvaka kubata mhuru dzenyati.
Kune marudzi enyati maviri muAfrica. Kune nyati inogara mumapani inonzi Cape Buffalo; iyi ndiyo inownaikwa muZimbabwe. Kunoitawo imwe nyayi diki zvishoma inogara mumasango inonzi Forest Buffalo.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Nyati, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.