Tarisai futi Mabhahari e pasirose, uye Magungwa e pasirose
Bhahari (kana muChingezi: sea) ishoko reChishona rakabva kuChiarabhu nekuda kwe Chiswahiri rinoshandiswa kusiyanisa gungwa (ocean) ne iro bhahari (sea). Bhahari rakakabatana segungwa re pasirose kana gungwa basi, uye ndiro mwiri wemvura une munyu unovhara 71 huwandu hwe Rinopasi rese. Izwi rekuti gungwa rinoshandiswawo kureva zvikamu zvechipiri zvegungwa, zvakaita seBhahari re Medhiteraniya, pamwe nemamwe makuru, akavhara zvachose, madziva emunyu, seBhahari re Kaspiya.
Zita rekuti bhahari rakabva kuizwi reChiarabhu, rekuti bahar (بهار) asi nekuti mazwi echishona haaperi asina zvinzvovera, panowedzerwa 'i'.
Izvi zvinogona kunge zvakaitika muchinyakare, paisangna Vashona neVaswahiri uye Vaarabhu pavaigovana zvinhu. Izwi rinowanikwa ku Chiswahiri futi, vakaritora kubva kuChiarabhu wo, uye vanowedzera 'i' sezvinoita Vashona. Pamusoro pezvo vanorishandisa kutaura nezve gungwa uye ne iro bhahari, asi vanoti bahari kuu (bhahari kuru) vachireva gungwa, vozoti bahari chete vachireva bhahari.
Chinyorwa chikuru chiri ku: Udorongodzwa hwe mabhahari
Yeshua vakatsiura bhahari rikadzikama pakare pakare - Jesus rebuked the sea and it became calm right away.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Bhahari, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.