Igwa (boat) zvinoreva mudziwo unoshandiswa kufambisa vanhu kana nhumbi nemamusoro pemvura.
Magwa anonyanya kushandiswa kufamba munzizi nenyanza uye mugungwa munzvimbo dzisina mafungu akanyanya.
Mazuvano magwa anogadzirwa nesimbi kunyanya aluminium nokuda kwekuti hairemi asi anokwanisawo kugadzirwa nematanda.
Bhaibheri muna Isaiah 18:1-2 rinotaura pamusoro pevanhu vaiva kumhiri kwenzi dzeEthiopia richiti, "....inotuma nhume nenzira dzegungwa namagwa enhokwe....". Kureva kuti vanhu muAfrica vaigadzira magwa enhokwe karekare.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Igwa, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.