Nhokwe (papyrus plant) idzinde rinowanikwa muAfrica panzvimbo dzine mvura zhinji pedyo nenzizi mumatoro.
Nhokwe dzinokura kusvika 2-3 m kuenda mudenga.
Nhokwe ndiro dzinde raishandiswa makarekare kuEgypt kugadziriswa mapepa ekunyorera, vamwewo vari mudunhu rakakomberedza gungwa Mediterranean vakazoteverawo vave kugadzira mapepa nenhokwe.
Kuchamhembe kweAfrica tichoisanganisira muZimbabwe nhokwe dzinoshandiswa kugadzira rukukwe. Kunonzi kuEgypt nhokwe dzagadziriswawo nhovo, tambo,masandhuru, mabhasikiti, magwa, hukwe nezvimwewo.
Bhaibheri muna Isaiah 18:1-2 rinotaura pamusoro pevanhu vaiva kumhiri kwenzizi dzeEthiopia richiti, "....inotuma nhume nenzira dzegungwa namagwa enhokwe....".
Izvi zvinoreva kuti vanhu muAfrica vaigadzira magwa enhokwe karekare.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Nhokwe, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.