Shoko rokuti kuchaya mapoto (cohabitation kuChirungu) rinotaurwa kana vanhu vaviri munhurume nemunhukadzi vasina kuroorana pamberi patezvara vachigara pamwechete sokunge murume nemukadzi vakaroorana.
Tsika yekuchaya mapoto inonyanya kuwanikwa kumadhorobha akadai seHarare uye inowanikwawo pakati pemaZimbabwe vakayambuka kunogara kumhiri kwemakungwa kunyika dzinosanganisira United Kingdom, Australia, Canada, neUnited States of America.
Kugara nekugara varume vazhinji vanotya kuchengetana nemukadzi wavasina kuroora pamberi patezvara. Izvi vanotya kuzviita nokuti musi wokunzi mukadzi uyu afa kana kuti asangana netsaona ari muakdzi anga achichaya mapoto murandu wacho unorpwa ipapo wakaoma. Kune nhau dzinotaurwa zhinji dzokuti tezvara vanoramba kuviga mwanasikana anga achibika mapoto kusvikira roora kana imwe mirandu yaripwa.
Varipo varumwe vanosvika pakutobereka mhuri dzichikura pasina roora rakaripwa kuna tezvara; zivi zvinhu zvinoshoresa zvikuru patsika dzevaShona. Musi wokuti murume ari kuchaya mapoto afa achisiya vana, zvinotarisirwa kuti mhuri yake kana vana vake ndivo vachazoripa mari yeroora kuroora mukadzi uyo akagara nehama yavo mushakabvu.
Madambudziko anosangana nevanhu vanochaya mapoto anosanganisira:
Tsaika yekuchaya mapoto inowanikwawo pakati pevanhu maZimbabwe vakayambuka kunogara mhiri kwemakungwa; kuita izvi kunova nyore nokuti ikoko kure kazhinji kunenge kusina maziso evabereki kana vehama vanozviona kuti vatsiure kana hanzvadzi inonzi inochengera. Kunyika dziri kumavirira tsika yekuchaya mapoto yakatekeshera pakati pezvizvarwa zveko; vamwe vekwedu vanosvika vachipinda mutsika dzenyika idzodzi.
Kunoti vanochaya mapoto vari maZimbabwe pachavo kwoitawo vamwe vanochaya mapoto nemarudzi mamwe akauya kunyika idzi kana marudzi ezvizvarwa zveko kunyika idzi. Matambudziko anoita kuti vamwe vagumisidze vagara mukuchaya mapoto anosanganisira:
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Kuchaya mapoto, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.