Mbiti

Mbiti (Otter in English) imhuka yemusango iri pamupanda wemhuka dzinoyamwisa.

Mbiti inoita nguva huru iri mumvura zvakare. Mbiti iri mumhuri imwe chete nechidembo. Vamwe vanodana mbiti nemazita anoti: mbinza, nzidzi kana denhe.

Mbiti
Mbiti

Mbiti inotakura pamuviri kwemazuva 86. Mbiti nzvari dzinoyaruka zvokukwanisa kuita vana dzave nemakore maviri (2) okuzvarwa, hono dzacho dzinokwanisa kuita vana dzave nemakore matatu ekuzvarwa. Kwapera mwedzi mumwe (1), mbiti yazvarwa inokwanisa kubuda mubako.

Nguva zhinji munhu anotukwa kunzi "uri mbiti yomunhu" kana achinge aita zvisiri izvo, kana kuti zvinosembura. Mbiti imhuka ine meso anosetsa. Nokudero vanhu vanogona kutsvinyirana kana kusekana vachiti 'meso sembiti'.

Vanhu vanowanzokanganisa mutauro vachiti mbiti ndiyo mhiti. Bodo haisiyo, mhiti imhando yemhembwe (paChirumbi inonzi 'grysbuck'). Zvichida pane asingazivi mhembwe, mhiti tingaifananidza nembudzi pakuvonekwa kwayo, ukuvo mbiti tichizoifananidza nechidembo (pole cat), zvichireva kuti pakasiyanwa zvaMai Siyanai apa.

Mbiti inogara mumvura, ichtambira nechekumhenderekedzo dzemadziva nyanyise mudzishanga, ichidya zvikuru sei hove. Munhu asingagezi anogona kunzi anonhuhwa sedenhe kubvira mbiti chero ichizokundwa hayo nedembo pakukanda zema.

Mbiti imhuka zvakare inodyiwa nyama, navanhu vanodyavo iyoyi mbiti ichivazipira fani asi haibatiki nyore nokuti painogara hapasvikiriki zvokudero.

Mitauro yeBantu

  • Nyanja inoti mbiti (n. Otter) kureva mbiti.
  • MaZulu vanoti intini kana izintini pakuwanda (n. otter) vachireva mbiti.
  • MaZulu vanoti umanzini kana omanzini pakuwanda (n. otter. Lit. the one in the water) vachireva mbiti.

Tags:

ChidemboDzinoyamwisaMbinzaNzidzi

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

SpeiniKutema NyoraMhene (mhuka)VutswanaJira ReretsoImbwaNzimbe2014MhuriKubvumbi 22Solomon MutswairoChiberekoMubvandiripoChiitariUlaanbaatarVakorekoreHolandiBhuritaniOmaniSamaita MutasaGorosiRomaniaGhini YomutsazanisiZvita 25JongweVatalaotePutugaroMazita eChishonaKiwaniKubvisa nhumbuChijerumaniAfurikaZiwumbeDzehugaro huviriBadzaMukuwashaDarejenaZvita 2LimaManyukiraKuchaya mapotoRhashiyaVakarangaIdiSusoArgentinaMoscowVukireniNyamavhuvhu 18PolandMunyaniMoyo DhehwaNhabvuYunivhesiti yeZimbabweMhumhiShava MufakoseVanuatuRuvaNhekweMushambaChiaramuJah PrayzahMhataMhungaNambya2022MombeNhoroPureshaMabayoMoyo NyajenaNyere (Dzezvipenyu)DerereNdira 18Mbudzi 29Nyamavhuvhu 3MunyakweHove🡆 More