Nyika yeRudhende (Republic) zvinoreva nyika inotongwa, kwete naMambo kana Ishe, asi nevamiriri vakasarudzwa neruzhinji rwevanhu.
Izvi zvoreva kuti simba revamiriri rinobva pakuvhoterwa nevanhu uye rinopfumbira pakuita zvinofadza ruzhinji rwevanhu. Nyika dzine hutongi hwechinyarudhende dzinosanganisira: United States of America, South Africa, India, Botswana, Nigeria, France, zvichingodaro.
Republic of Zimbabwe inokwaninya kuturikirwa kuchinzi Nyika yeRudhende rweZimbabwe kana Nyika yeRuzhinji rweZimbabwe kana Nyika yeMukumbi weZimbabwe.
Mashoko ari pamusoro aya kuedza kuumba mutauro weShona kuti ududze zvinorehwa kuEnglish.
Izwi rokuti republic rakaumbwa kubva kuLatin. Izwi rokuti res rinoreva thing, entity, izwi rokuti publica rinoreva public kana ruzhinji rwevanhu. Saka izwi rokuti republic rinoreva entity of the public. Zvino kuChiShona kwaturikirwa kuchinzi Nyika yeRudhende.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Nyika yeRudhende, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.