Chindeya Chirema

Chirema, Chiremera kana Sotani (ku Chingezi: Saturn; chikwangwani: ) chindeya chechitanhatu kubva kuzuva uye yechipiri pakukura muMutandiro weMushana.

Vhenekeratsvimborume ndicho chindeya chakakurisa kudarika Chirema. Chindeya ichi igasi hofori ine avhareji nharaunda ingangoita mapfumbamwe nehafu nguva yeRinopasi.

Chindeya Chirema
Chiremera kana Chirema
Chindeya Chirema
Tsananguro yaChiremera.

Muchishona Chirema akapihwa zita rake nekuda kwemataridziko ake, muchirungu zita rake chirema rinoreva kuti "the lame or abnormal star". Uye vaitendawo kuti matombo aipoterera Chirema akange akafanana ne vana vaisiya imba vachienda kunozvimirira pachavo sevanhu vakuru, pamwe iro zita rekuti Chiremera rakatumidzwa nekuti vanhu vakuru vane 'dignity', kana kuti rinogona kunge rakazvarwa nekuda kwekutadzwa kwekunyorwa.

Zvedenga mu Chinyakare

Muchinyakare Vashona vaiverenga nyeredzi kuti dzivabatsire mukuunganidzwa mezvekudya nevavhimi nevabati vehove. Vaiziva nezvemhete dzakapoteredza Chirema, izvi ndizvo zvakaita kuti Chirema apihwe zita rake. Zita rekuti Chirema rakabva kushoko rekuti Chirema nekuti Vashona vaiona senge chindeya ichi chakange chakaremara nekuda kwekuti yaive nemhete dzinonatso oneka dzayo. Saka vakange vasina kujaira masiyanero ayo nezvimwe zvindeya zvavaiona.

Chindeya Chirema 
Chiremera eclipse.

Uye nyaya yavaitenda pamusoro paChirema yaive yekuti:

Chirema chino sanganisa nyenyedzi diki dzakabatwa nokukwezva naiye Chirema wacho, asi vaisa ziva chikonzero chekutenda izvi chaisa zivikwa. Pamusoro pezvo vaitenda kuti idzo nyenyedzi diki dzaicho dzaimirira nguva dzadzaizo mutswa dzozowira dzichiita zvindeya zvine boterero dzaro. Kuwira kwaro kwai enzaniswa nezvinoita vana pavanobva pamba woita vanhu vavo vega pachavo.

Mafungiro evaShona aive nechokwadi asi kwete chokwadi chizere. Nhasi, munguva ino vanhu vezvechadenga (astronomers), vanotsanangura kuti mhete dzaChirema dzine ma "umbwa madiki akaita kakufukidzwa nechando" (small ice-coated particles) uye ese ane botererero dzaro.

MuChiBantu

  • Chitsonga - Ntavasi ndiro zita raChiremera muChitsonga.
  • Chixhosa - iSateni ndiro zita raChiremera muChixhosa.
  • Chisotho - Satene izita raChiremera muChisotho
  • Chitswana - Satuni izita raChiremera muChitswana
  • Chiswahiri - Zohali ndiChiremera muChiswahiri, ishoko rinobva kuChiarabhu.
  • Chizuru - Sathene ndiro zita raChirema/Chiremera muChizuzu.

Mabviro eruzivo

Tags:

ChindeyaChirunguMutandiro weMushanaRinopasiVhenekeratsvimborume

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

GoreDuramazwiChirimoSeyisheriHute (ruvara)JerumaniUsikhiGunyana 27UtaoKurume 29Shava MvuramaviAmerika MaodzanyembaMafashamoShava MwendamberiArubhaniyaKumiminaMtongoriDzvinyuGenesisiKirundiMunzepeteMaterekeVanyarwandaNyokaChayinaNyaudzosingwi H-KTsokoMawereVukireniMuvaraFloridaChin'aiChipariBonga ChihwaChindeyaKonfuzhiGavakavaHwaroAmerika ChamhembeMipanda yemazitaMisambo paBondeMagetsiBwatoNyimoDzinzaChiredziPVanambyaUpasinaAnufeChiswahiliKurevaKuvigaJorodhaniMweya (wemunhu)MuvhuroTuvaluFundoyetsimbaUngwaruGumiguru 20Chivakamberi buraUzimaKupara motoAfrican Leadership AcademyRovambiraChubhu dzinotakura ropaHujotoChipembweMhanda2020HurukuroChiputukezi🡆 More