Kushambira (swimming) zvinoreva kuyangarara pamusoro pemvura munhu achienda mberi kuburikidza nokuchayira mvura kumashure nemaoko nemakumbo.
Vanhu vanoshambira munzvimbo dzinoti: rwizi, dziva, dziva rokushambira; nyanza; negungwa. Kushambira kunoitwa sekuvaraidza nguva, kutamba, kana makwikwi
Zimbabwe ine musikana akakunda kumakwikwi ePasirose anonzi Olympics. Musikana uyu anonzi Kirsty Coventry akatora menduru dze gold ne bronze pamitambo ya2008.
Vanoshambira vane mbatya dzavanopfeka dzakagadzirirwa kuti vasaremerwa nemvura inenge yachakwatisa mbatya. Jira rinosoneswa mbatya dzekushambira rakagadzirwa kuti risabata mvura yakawanda. Kutsika dzeVarungu zviri mavari kuti vabereki vanoshambira pamwe nevana vavo kana kuti muroora anoshambira natezvara akapfeka mbatya dzokushambira.
Kuno kuAfrica vanhu Vatema vashoma vanoshambira zvikurusei kune vakura kana vakaroorana. Hachisi chinhu chinotariswa mune zvakanaka kuti mubereki anoshambira pamwe nemwana kana kuti muroora natezvara. Kune zvizvarwa zveZimbabwe zvagara kumhiri kwemakungwa kuEurope, USA neAustralia yave tsika yave kuonekwa kuti vabereki vanoshambira nevana vavo; izvi zvichitevedzawo tsika nemitemo yenyika idzodzo.
Kunyika idzi vanoda kuti mwana ari pasi pemakore gumi nemaviri ave nemukuru anomutarira kana ari mudziva rokushambira. Kazhinji zhinji mubereki ndiye anotora danho irori rokuva mutariri wevana vake. Zvisineiwo zvinotaridza kuti vanhu vechizvarwa cheZimbabwe vanokasira kutorawo tsika dzekunyika dzavakatamira - kusiri kunzi maitiro aya akashata kana kururama.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Kushambira, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.