Gonyonhatu Yakarurama

Muchidzidzo chePimanyika, gonyonhatu yakarurama (right-angled triangle) imhando yegonyonhatu ine mativi maviri anosangana pamukwava une gonyo rakakura 90o.

Nokumwe kutaura gonyonhatu yemutwi inodaidzwa kunzi gonyonhatu yemutwi, izvi zvichidudza gonyo re 90o rainaro.

Gonyonhatu Yakarurama

Mativi matatu egonyonhatu iri anopiwa mazita akasiyana zvichibva pamamiriro akaita gonyonhatu. Kune mativi maviri anosvika pamukwava une gonyo ye 90o; pamativi aya rokutanga rikanzi remuny'asi (adjacent), repiri richabva ranzi darisanwa (opposite side). Divi guru rine nhambwe yakareba kupfura mamwe rinonzi muzendami (hypotenuse) nokuti rinoita sokunge rakazendamiswa rakatsigirwa kuhwaro nemutwi.

Sarudzo yokuti darisanwa idivi ripi uye remuny'asi idivi ripi inodudzirwa nokuti timire mugonyo ripi. Muzendami ndiye murefu anoramba aine zita rimwechete - uyu haachinje. Divi rakabatana negonyo ratiri kushanda naro ndiro rinova remuny'asi, repiri rakaita mutwi nedivi remuny'asi ndiro rinova darisanwa. Zvizhinji zvichatsanangurwa muchikamu chePimagonyonhatu, (trigonometry) chichatevera mberi.

Mamwe Mazwi

  • -kwamira (be close together; close) zvichida izwi iri ringashanda kuturikira adjacent.
  • divi rakadzivana (opposite side)

Mitauro yeBantu

  • VaLenje vanoti ambana (touching each other; be close together; adjacent) kureva zvakagumhana.
  • Baila vanoti ku fuama (to be adjacent, near, alongside) kureva kuva pedyo.
  • VaGanda vanoti mulalana (adjacent, neighbouring, contingent) kureva zvakagumhana.
  • Nsenga vanoti paka (v. be adjacent; adjoin) kureva kupakana. Fananidzai nokuti mupaka.

Tags:

GonyonhatuGonyonhatu yemutwiMukwavaPimanyika

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

ChikweretiKutanyaChitsuwa cha RobheniVakalanga2023Alpha RadiationChiturukiVaKabwaVambireNeparuGakaKuchenamaSouth AfricaChibhunuMitauro ye Chiindo-AryaHungweNhamba HwaradadaNdariraAfurika ye MabvazuvaVaGwereZvita 5Mwedzi muChadengaZvita 25HwayiMhiribidi2012NhoroHupenyuGungwa re IndiaMwedzi yeGoreChixhosaGiryamaVashonaOstireriyaKukushaHurwaShenjeDuramahwiNjeeKukotsiraMuscatHukamaMitambariko yeTaranyikaKuroorana paNhakaMehikoParisChaminukaOmaniMurunguWikiduramazwiNaijeriyaChiSpanishNzira dzekudzivirira nadzo kubata pamuviriMutsonzowaMukiwaEzhiyaSekweChenaMirairo gumi yaMwariChikumi 1Makumi mana nenaZvirimwaMbiseGungwa re AkitikiTaabwaVaChewaVanambyaBakuNyamavhuvhu 13MukadziGomararaKutizira mukumboChiarabhu🡆 More