Kutanya

Shoko rokuti kutanya rinoreva kudhonzwa kunoitwa nyama dziri pakati penyini kuti dzirebe kuita matinji.

Iyi itsika inoitwa nechimwe chikamu chevakadzi vechitema zvikurusei kuChamhembe kweAfrica. Kutanya kunotanga kuitwa vasikana vachiri vechidiki kumazera emakore 12-13 ekuzvarwa. Matinji anogadzirwa sezviro zvokutamba nazvo pabonde kubatsira kumutsa nyama dzemukadzi kuti dzisekese nokuregeredzera murume asati apinda. Panguva iyi mukadzi ndipo anotanga kunyorova kuzasi nyama dzake dzichivhurika. Vamwe varume vanofarirawo kutamba vachibata zviro izvi.

Kuti nhau yokutanya inzwisisike zviri nani tinofanira kukurukura kaumbirwo kakaitwa nhengo yechidzimai sokuonekwa kwainoitwa nechekunze.

Kuumbwa kweMbutu

Hwabvu

Kunze kwayo nhengo yechikadzi ine zvipika zviviri zvingadaidzwa kuti hwabvu - labia kuEnglish. Hwabvu huri paviri, kunoita hwabvu hukobvu kwoitawo hwabvu hutete. Shoko rokuti hwabvu rinobva kuChiKorekore richireva kuti miromo - lips.


Hwabvu hukobvu (labia majora) ndihwo hunovhariridza chikamu chenhengo chinoonekwa nokunze. Hwabvu uhwu hunobva kuzvidya kusvika nepakati pane mukoronga kana kuti mutsemu. Pamusoro pehwabvu uhwu ndipo panokura choya kana kuti mavhudzi. Hwabvu hukobvu hunopendera pamukoronga pahunoshanduka kuva nyama tsvuku isina choya.


Hwabvu hutete (labia minora) ndizvo zvinzeve kana kuti mipendero iri mukati mehwabvu hukobvu. Hwabvu uhwu hunotangira nechekumusoro kune kabhinzi (gongo) huchinosvika zasi kune buri rekuzvara. Sekutaura kunoita zita racho, hwabvu hutete hudiki pane hwabvu hukobvu. Uyu hwabvu hutete ndihwo hunoti mamwe madzimai echitema vanoda kutanya kana kudhonza kuti hurebe kuita matinji.


Gongo

Pakati panosangana hwabvu hutete nechekumusoro pane kanyama kadiki kangaenzane nebhinzi kukura. Mukutaura kwemazuva ose vamwe vanokati kabhinzi. Kanyama aka ndiko kanodanwa kunzi gongo. Kanyama aka kanoshandawo kuwedzera kuzipirwa kwemukadzi panguva yokunge agara nomurume wake pabonde. Kanyama aka kane zvitape (Nerves) zvinotapa kuzipa panguva yokurarana kwemurume nemukadzi. Kane simba rokugona kusvitsa mudzimai pakuchemerera kana kachinge kapuruzirwa nenzira inofadza.


Mukana

Mukana ndiro buri rekuzvara naro rinova ndiro rinopinda nemboro yemurume panguva yebonde. Buri rekuzvara rinopinda mukati mumuviri richikwira nemuteremuko ungaita 45o. Kwaunoperera mukana uyu kunovharwa rhingi yemhasuru inodaidzwa kuti cervix kuEnglish. Mukana wakaumbiridzwa nenyama dzinotatamuka panguva yokuzvara uye panguva yebonde.

Tags:

BondeChamhembeMatinji

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

Guatemala CityChirimoWikipedia shanduro dzemitauroChipetaNigel ChanakiraJira ReretsoMbira, MhukaBeijingInaKuenda kuMwedziNdaraBongozozoNhoroChiliguriaYuropuChiaramuRativhiyaTezvaraMuzvcaziMubveveIrakiNzou - SamanyangaKunetaAmerica (dzose)Zviperengo zvehuwanduHoshaNew ZealandTsomboriMuroyiGautama BuddhaMapako eChinhoyiChibatiro (mudziyo)HolandiYemeniVurundiRishenistayiniChiheraMoyo ChiranduBhahari re IyoniUyisalamaKukwataRukukweHurudzaPolandShava MufakoseGandangaChipiriMwandoMwambabvuKubvumbi 3MukwavaMashambanzouTsindiShava NyakudirwaKim Tae-hyungGwara raKurumbiSamaita MutasaDarauneneHuronyoBonga-musakwaniVhudziSekuruMhuriHangaKupipaNyokaAmerika MaodzanyembaGumboMasedhoniyaSadzaMhakureDandira reMapangana eTarachisi🡆 More