Kupendha (Chingezi: to paint, painting) kushandisa mavara kugadzira mifananidzo yekuona.
Iri zvakare izwi rekuti basa rakapendwa remifananidzo. Mhando dzakawanda dzependhi dzinoshandiswa kugadzira useza. Izvi zvinosanganisira watercolors, acrylics uye mafuta. Vamwe vasezi anoda kushanda nepenzura kana choko. Dzimwe nguva marasha anogona kushandiswa.
Pendi dzine mukurumbira dzinowanzo chengetwa mumakamuri emifananidzo, se Ghaleri re Dhidhizha (national gallery) muLandani uye Louvre (Phari) uko kwakaturikwa imwe yemifananidzo ine mukurumbira pasirose, iyo Mona Lisa, yakapendhwa na Leonardo da Vinci. Vanhu havafanirwe kuenda kune yakakurumbira ghaleri kuti vaone useza. Kune nzvimbo dzinochengeterwa mifananidzo dzakazvimiririra mumaguta akawanda pasirose.
Pane musiyano mukuru pakati pekutara nekupendha. Mukutara, chidimbu chimwe chete ndicho chifananidzo chose. Mukupendha, rimwe reya (layer) rinopendhwa pamusoro perimwe kuti riwane mufananidzo wekupedzisira. Nekuda kweizvozvo, kazhinji yenguva chifananidzo hachizove chakajeka kusvika chasvika padanho rekupedzisira.
Pane nhanho ina dzakakosha pakupenda: kugadzirira, kupatsanura, reya, uye kubata.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Kupendha, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.