Munwe

Minwe ndidzo nhengo dziri kunoperera mawoko dzatinoshandisa kubata nadzo zvinhu.

Munhu ane minwe gumi. Mamwe mazita: chinwe, chigunwe, zvinwe kana zvigunwe.

Shoko rokuti chitupa (1. Finger mark; 2 Thumbprint) rinotaura mudhindo weminwe unotorwa kana munhu achitsikisa chitupa. Vamwe vatauri vanodana mudhindo uyu kuti ruchiva kana ruchivo.

Pfundo kana fundo (joint of finger).

Mazita eminwe

Chara (thumb) ndiwo munwe mupfupi mukobvu unopfumbana nemimwe minwe yose. Kana munhu akabata mupinyi webadza, chara chinopoterera nedivi racho chega. Chara chinshandiswa kutswanya sekutaura kwetsumo inoti: Chara chimwe hachitswanyi inda. Pahuwandu toti zvara

Munongedzi, muchimbo, chitendeko, mutendeka kana kuti Mutendeki (index or pointing finger) ndicho chigunwe chinotevedzana nechara chinova ndicho chinoshandiswa kunongedza.

Kasiyanwa' karavi, karava kana munwana (pinky finger) ndiwo munwe mudukusa uri kune rimwe divi rakapesana nechara. Kukwenya munho nekasiyanwa kunotaurwa apo munhu anenge achiita tarisiro rokuti ave nerombo rakanaka pane chaakamirira kuti chiitike.

Kurerutsa Mutauro

  • Ngokukasira kwakabuda zvinwe zvenyara yomunhu, zvikanyora pakatsetswa parukumbati rwengome youmambo pasinde nechigadzikiro chechibani: Suddenly the fingers of a human hand appeared and wrote on the plaster of the wall, near the lampstand in the royal palace. (Daniel 5:5, Bhaibheri reChiNdau).

Tsumo

  • Minwe misiyanwa. Fingers are different (in length).
  • Munongedzo hauzvinongedzi.
  • VaMambwe vanoti kalima na munwe kureva munhu anotaura zvirongwa zvikurusa zvaasingakwanise kuzoita.

Mitauro yeBantu

  • VaFwe vanoti munwee kureva munwe. VaSangho vanoti liti (n. finger) - chikoro vanoti likolo. VaBemba vanoti cikumo (thumb) kureva chara.
  • Taabwa vanoti kiala (thumb) kureva chara. Maconde vanoti chala kana vyala (finger) kureva chara. Nyungwe vanoti cala kana bzala kureva munwe.
  • VaYao vanoti chala (toe, finger), kureva chigunwe. VaChewa vanoti tshala kana dzala (finger), kureva chigunwe.
  • VaWanga vanoti olwala (finger) kureva chara. Swahili vanoti kidole (finger) kureva munwe. Sangho vanoti kota maboko (n. thumb).
  • VaDigo vanoti gumbe (alone) kureva ari ega, kana chiri chega. Mamwe mazwi: dzala gumbe kana kidole gumbe (thumb) kureva munwe uri wega.

Tags:

Munwe Mazita eminweMunwe Kurerutsa MutauroMunwe TsumoMunwe Mitauro yeBantuMunweChigunweChinweMinweZvigunweZvinwe

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

UkristuChikumi 23HutsvukuHumbaN'angaTurning TorsoMapatyaTsiruNyaparaZvita 18MukowasimbiNyamavhuvhu 6ZvitsuwaKurume 29Chikumi 18MuchechetereNyani (mhuka)TezvaraAngolaFundoyetsimbaKudzingiswaFanzaZvipfuyoChiedzaMhanguraMusatanyokoAmaiMutambaChikare (bonde)NyenyedziVamanyikaChihindiDzamba2018Nyaudzosingwi M-PPasikaVandebele (vekuChamhembe)ZavazavaRubatsoMuriwoNdegeRimaZvoseGumiguruChirhashiyaHohwaLuxembourg CitySaudhi ArabhiaVarunguChikoroMaterekeMichael JacksonSyriaTsanoNjiriHondo yePasirose yeChipiriUzimaJitiKubvumbi 12Yunivhesiti yeZimbabweNyamavhuvhu 2WushumoVukireniViennaGunyana 27DhandandaMupandaChimeraShiriVakalangaChepiriZvita 24🡆 More