Kuwanza Huwandu

Muchidzidzo masvomhu kuwanza (multiplication in English) nhamba mbiri, kwakafanana nekuunganidza mapoka ane huwandu hwakaenzana nenhamba yechipiri - boka rimwe nerimwe rine nhengo dzinokwana kuenzana nenhamba yekutanga.

Panoitwa maunga huwandu nhamba yekutanga inenge ichiwedzaniswa kanokwana kuenzana nenhamba yechipiri. Asiwo nhamba yechipiri inogona kuva iyo iri kuwedzaniswa kanokwana kuenzana nenhamba yekutanga.

Kuwanza Huwandu
Mabhegi mana ane marble matatu marbles anotipa marble gumi nembiri.

Somuenzaniso, nhatu (3) kuwanza neina (4), zvakafanana nokuwedzanisa nhatu (3) kanokwana kana (4):

Nokumwe kutaura panganzi zvinhu zvitatu zviri kupetwa kana. Apa tinenge tichivamba kuverenga boka rezvitatu rokutanga kusvika pane boka rechina. Saka kuti tirerutse kutaura, paya panonzi kuEnglish, 12 times 10 isu tinokwanisa kuti gumi nembiri kuwanza negumi - kureva kudzokorora kuverenga boka rezvinhu gumi nembiri kanokwana kagumi.

Kujekesa

  • Pamuenzaniso uri pamusoro 3 X 4 = 12: apa chiwanzwa chezvinhu gumi nezviviri ndihwo huwandu hunobuda pakuwanza nhatu (3) kanokwana kana (4).
  • Nemumwe muonero tinogona kuti chiwanza chezvinhu gumi nezviviri (12) chinowanikwa pakuti chimwe nechimwe chemapoka mana (4) chaunganidza nhengo nhatu (3).
  • Pamuenzaniso uri pamusoro tingati pane mapoka mana (4), rimwe nerimwe rine nhengo nhatu (3) ari kuunganidzwa kanokwana kana (4) achizopa nhengo gumi nembiri.
  • Izwi rokuti chiwanzwa riri kushandiswa pano kureva zvinhu zvizhinji zvinonzi multiple kuEnglish.
  • Saka pano tinogona kutaura kuti zvinhu gumi nembiri (12) chiwanza cha 3 na 4. KuEnglish zvonzi 12 is a multiple of 3 and 4.
  • Takatora chero nhamba n, toti n kuwanza na 0, tinoreva kuti n aunganidzwa kanokwana ka zero saka hapana chiripo. Mhinduro yacho ya n x 0 = 0.


Chiitiko chokuwanza huwandu ndicho chinoshandiswa pakuita Tafura yeKuwanza Huwandu - multiplication tables. Somuenzaniso kana shanu ariye nhamba iri kuraviwa nayo tinoti: 5, 10, 15, 20, 25, 30, 35, 40, 45..., zvichingodaro.

Kurerutsa mutauro

Kuwanza Huwandu 
Chiratidzo cheKuwanza Huwandu (multiplication sign) ×
(HTML entity is ×)

Zvakafanira kuti pange pachiturikirwa mazwi kubva kuEnglish kuenda kuChishona kuti zvireruke pakutaura masvomhu. Saka mukutaura mazuva ose zvinenge zvamira sezvizvi:

  • Multiplication inenge ichinzi Ruwanza Huwandu,
  • Multiplying yonzi iyo kuwanza.
  • Multiply 4 by 5 inenge yonzi, wanzanisa ina (4) neshanu (5).
  • Pakutaura zvizere, four multiplied by 5 kunenge kuchinzi ina kuwanza neshanu.
  • Pakutaura muchidimbu, four times five inenge yonzi zvina kuwanzana neshanu.
  • Cherechedzai kuti zviri kutaurwa zvakafanana nezvizvi zviri pasi; kubatanidza ana 4 kanokwana kashanu (5):
    Kuwanza Huwandu 

Manyorerwo

Kuwanza kunonyanya kunyorwa kuchishandiswa chiratidzo chekuwanza huwandu "x" pakati penhamba dziri kuwanzana. Mhedzisiro yacho inopangidzwa nechiratidzo chekuenzana (equals sign). Somuenzaniso:


    Kuwanza Huwandu  (Pakutaura muchidimbu, mbiri (2) kuwanzana nenhatu (3) zvakaenzana na 6)
    Kuwanza Huwandu  (Pakutaura zvizere, nhatu (3) kuwanzana neina zvakaenzana negumi nembiri)
    Kuwanza Huwandu 
    Kuwanza Huwandu 


Kune manyorero akawanda anoshandiswa pakuwanza sezvizvi:


  • Kuwanza kunopangidzwa nedhoti pakati sezvizvi:
    Kuwanza Huwandu 
  • Asterisk (seiri apa 5*2) inoshandiswa pacomputer.
  • Kana kuri kuAlgebra, kuwanza kunopangidzwa kuchinyorwa mavara ari kuwanzana ari pedo-nepedo kana nhamba dziri mubhuraketi (e.g. xy kureva x kuwanzana nay kana kuti 5x kureva 5 kuwanzana nax). Manyorero aya anoshandiswa panhamba dzakakombwa nemabhuraketi (e.g. 5(2) or (5)(2) for five times two).

Mitauro yeChiBantu

  • VaHerero vanoti takavara (multiply). VaTsonga vanoti andza (multiply).
  • VaKagulu vanoti ku-ongeza (multiply). Mamwe mazwi: ku-lunda (v. multiply, congregate).
  • VaKagulu vanoti walundile, ilundo kana malundo (n. multitude).
  • VaVenda vanoti muandiso (n. multiplication).

Tags:

MasvomhuMaunga huwandu

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

HungariyaConakryGutaKurume 23Mukondombera weAIDSKukadzi 28MutemoKukotsiraNhopiGumiguru 20MapfihwaZvita 3KofiGumiguru 5Peji rekutangaChikumi 29Ndira 9Kubvisa nhumbuMudusoTsumoUbareChitunhaJapanKuumbaNyamavhuvhu 28Moyo DhehwaGumiguruKurume 29United States of AmericaGumiguru 25Kurume 25Moyo NyajenaGavaZvita 10Chikumi 27Nyaudzosingwi M-PNyamavhuvhu 9ParisJeon Jung-kookHonoChisenge sezitaDonald TrumpGunyana 30Gunyana 11NhovaShava MwendamberiKurume 14RooraSNaijeriyaMhou (yemombe)KuswinyaRhashiyaHungweBhiiHoshoNyamavhuvhu 15NyokaSangoDuri neMutsiMuyambi sezitaMunamatwiTurkmenistanChikunguru 18IraqChirimoChanzo sezitaBrusselsMutsubvuNew CaledoniaMbudzi 6ChindoriGuviShava Mutenhesenwa🡆 More