Muchidzidzo chepimanyika, rudzivo kana divi (Direction) rinoreva mashoko anotigonesa kunongedzwa kuti nzvimbo iri kupi.
Rudzivo runonongedza divi riri kutaurwa nezvaro. Rudzivo ndiyo mhinduro yatinotsvaga patinobvunzwa mibvunzo yokuti:
Mepu dzepanyika dzinotaridza mativi mana erudzivo anoti: Mabvazuva, Madokero, Maodzanyemba, neChamhembe.
Maodzanyemba kwakadziva kuMabvazuva (North East in English) ndirwo rudzivo rwunoti kana munhu akatarisa kuMaodzanyemba, anofanira kutenderera gonya rinokwana 45o achinanga kuMabvazuva. Rudzivo urwu rwuri 45o kubva kuMaodzanyemba, uye 45o kubva kuMabvazuva.
Kana potaurwa muchidimbu kunonzi kuMaodzanyemba nechekuMabvazuva.
Maodzanyemba kwakadziva kuMadokero - ndirwo rudzivo rwunoti kana munhu akatarisa kuMaodzanyemba, anofanira kutenderera gonya rinokwana 45o achinanga kuMadokero. Rudzivo urwu rwuri 45o kubva kuMaodzanyemba, uye 45o kubva kuMadokero.
Chamhembe kwakadziva kuMadokero (South West in English) ndirwo rudzivo rwunoti kana munhu akatarisa kuChamhembe, anofanira kutenderera gonya rinokwana 45o achinanga kuMadokero. Rudzivo urwu rwuri 45o kubva kuChamhembe, uye 45o kubva kuMadokero.
Kana potaurwa muchidimbu kunonzi, Chamhembe nechekuMadokero.
Chamhembe kwakadziva kuMabvazuva (South East in English) ndirwo rudzivo rwunoti kana munhu akatarisa kuChamhembe, anofanira kutenderera gonya rinokwana 45o achinanga kuMabvazuva. Rudzivo urwu rwuri 45o kubva kuChamhembe, uye 45o kubva kuMabvazuva.
Kana potaurwa muchidimbu kunonzi, Chamhembe nechekuMabvazuva.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Divi (rekunhu), which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.