Chinyorwa Chikuru Chepandemic

Shoko rekuti Pandemic rakabva parurimi rwechiGreek ishoko rinoreva kupararira kwechirwere chinopomeranwa icho chinenge chafamba kana kushanyira matunhu kana nyika dzakawanda kudarika imwe chete.

Kupararira nekukasira kwechirwere muvanhu vazhinji vagere munzvimbo imwe kana dunhu rimwe nemnguva pfupi kunodaidzwa nezita rechirungu rekuti epidemic. Chirwere chakapararira asi huwandu hwevanhu vachakabata huchiramba hwakadzikama chinonzi endemic, kwete pandemic. Chirwere chikava endemic asi chiine huwandu hwakadzikama hwevanhu vachakabata , zvakafanana nedzihwa rinopota richinyuka zvichienderana nemwaka chiri kunze kweboka iri nokuti zvinoitika panguva imwechete mumatunhu mahombe dzepasirose kwete kupararira nenyika yose.

Tsanangudzo nematanho

Zita rekuti pandemci rinoshandiswa kutsanangura epidemic iri kuitika ichigura miganhu yenyika. Chirwere kana chimiro chero chikapararira kwakawanda kana kuuraya vanhu vakawanda hachizodaidzwi kuti pandemic nokuda kwaizvozvo zvoga, chinofanirawo kuva chinotapuriranwa. Semuenzaniso, chirwere chegomarara chinokonzera kufa kwevanhu vazhinji asi hachiverengwi sepandemic nekuti hachitapuriki kana kuparadzirwa.

Kupararira kwema epidhemic (nemapandemic) kana kuchitaridzwa pagraph kunobudisa chimiro kana kuti dendenedzu rakaita sebhera, chichitaridza huwandu hwevanhu vanenge vabatwa nechirwere panguva imwe neimwe. Dendenedzu iri kazhinji rinongobuda rakadaro kana chirwere chapararira. Zvirwere zvinotapuriranwa kazhinji zvinopararira muzvikamu zvitatu sezvakataridzwa pagraph rinotevera. Mufananidzo wekutanga: Graph rinoratidza dendenedzu reepidemic, rakanyorwa naToby Morris. MuThe Spinoff ya9 Kurume 2020

Chikamu chekutanga chinowanikwa panotanga dendenedzu. Kana tikatora chirwere chapararira cheCOVID-19 semuenzaniso, ndizvo zvinotaridza panotangira kupararira kwechirwere, panenge panevanhu vashoma vanenge vachizivikanwa kuti vakabatwa nechirwere chacho.

Chikamu chechipiri chedendenedzu reepidemic chinotaridza nhanho inodaidzwa nezita rechirungu rekuti "community phase" Panhanho iyi ndipo panobuda hochekoche yekubatwa kwevanhu nechirwere apo vanhu vanga vasina chirwere ichi vanotangawo kubatwa nacho.

Chikamu chechitatu chedendendzu reepidemic chinotaridza kuti kupararira kwechirwere kwadzorwa, kana kuti hazvichakwanisiki kuti kuwanikwe vamwe vanhu vatsva vanobatwa nacho.

Kudzora kupararira kwechirwere

Kune matanho akawanda anogona kutorwa nenyika kudzora kunyuka kwepandemic. Mugore ra2005, sangano reWorld Health Organisation rakakumikidza gwaro rinodaidzwa nechirungu kuti International Health Regulations, rinova iro gwaro remutemo rekudzivirira, kudzora pamwe nekumirisana nezvimiro zvehutano zvinogona kutapuriranwa pakati penyika dzakasiyana. Pamusoro pazvo sangano reWorld Health Organisation rakaumba gwaro rinopa gwara pakurwisana nema pandemic echirwere chedzihwa. Gwaro iri rakatanga kuburitswa mugore ra1999 rikazodzokorodzwa nekuvandudzwa mugore ra2005 nemuna 2009. Matanho mazhinji ekudzivirira chirwere cheCOVID-19 akatorwa kubva mugwaro reInternational Health Regulations 2005 nemuzviga zveWorld Health Organisation zvekugadzirirwa kwekumirirsana nemapandemic edzihwa.

Pava nenhaurirano dzakawanda pamusoro penzira yekurwisa inodaidzwa kuti 3T's (Testing, Treatment, Tracing) zvichireva (kuvheneka, kurapa, kuteverera) iyo inoita kuti nyika dzikwanise kuona nekukasira uwandu hwevanhu vakabatwa nechirwere dzisati dzavapatsanura kubva kune vamwe vanhu pamwe nekuvarapa. Nzira yacho inosanganisira kuteverera vanhu vese vakambosangana nemunhu anechirwere wacho, kwava kuvapatsanurawo nevamwe. Nzira iyi yaita mukurumbira nekuda kwekubudirira kwayakaita munzvimbo dzinoti South Korea neSingapore, kunyangwe hazvo zvichifungidzirwa kuti nyika mbiri idzi dzakagara dzakagadzirira mushure medambudziko rakakonzerwa nechirwere cheSARS.

Kumira vanhu vakaparadzana, kana kuti kusiya nzvimbo pakati pako nevamwe vanhu, idanho rezvehutano hweveruzhinji rakanangana nekunonotsa kupararira kwechirwere kuburikidza nekukonesa vanhu kusvika pedyo napedyo kuitira kushaisa mukana kutapuriranwa kwezvirwere zvinopararira nezvinotapuriranwa. Mukuru mukuru wesangano reWorld Health Organisation, Chiremba Michael J Ryan vachitaura nevatapi venhau muna Kurume 2019 vakati ivo kumira wakasiya nzvimbo pakati pako nevamwe vanhu "idanho rinoshanda kwenguva pfupi rekudzora kumhanya kwekupararira kwechirwere, nokubvisa mutoro pamapato ezvehutano, asi zvisingapedzi hutachiwana pachahwo. Danho iri rinodhura, huye rinoda kushandiswa pamwe chete nemamwe matanho ekurwisana nedambudziko." Chiremba Ryan vakajekesa kuti kusiya nzvimbo pakati pako nevamwe vanhu chete hakungagoni kupedza chirwere.

MaPandemic ariko pari zvino

Shuramatongo

Chinyorwa chikuru: Kuongororwa kwezvechirwere cheShuramatongo

Kunangwe hazvo WHO ichishandisa shoko rokuti "global epidemic" kutsanangura chirwere cheShuramatongo, chirwere ichi kana tichitevedza zvinoreva mavara awa "ipandemic". Kusvika mugore ra2018, vanhu vanosvika mamiriyoni makumi matatu nemanomwe nechidimbu (37.9 million) Pasirose vakanga vabatwa nechirwere cheShuramatongo. Mugore ra2018, vanhu vakafa nechirwere ichi vanosvika mazana manonwe nemakumi manomwe ezvuru (770,000). Parizvino, dunhu rekuchamhembe kweAfrica ndiro rakanyanya kukanganiswa neShuramatongo. Zvinofungidzirwa kuti zvikamu zvikumi zvitanhatu nechimwe kubva muzana (61%) zvevanhu vakabatwa neutachiwana hweShuramatongo kekutanga vanhu vemudunhu iri.

Hutachiwana hweboka remaCoronaviruses

Hutachiwana hwemhando yemaCoronavirus iboka guru rehutachiwana hunokonzera zvirwere zvinosanganisira kubva padzihwa ramazuva ose kusvika pane zvimwe zvirwere zvakasimba seMiddle East Respiratory Syndrome (MERS-CoV) neSevere Acute Respiratory Syndrome (SARS-CoV). Imwe mhando itsva yekoronavhayirasi (SARS-CoV-2) inokonzera chirwere cheCoronavirus 2019, kana kuti COVID-19. Mamwe marudzi ehutachiwana hwemaCoronavirus anodaidzwa kuti ari 'zoonotic', kureva kuti anotapuriranwa pakati pevanhu nemhuka. Tsvagurudzo yakadzama yakaitwa yakabudisa kuti SARS-CoV yakatapurirwa vanhu kubva pamhuka yerudzi rwechidembo, uyewo MERS-CoV yakatapurirwa vanhu nemangamera. Kune hutachiwana hunozivikanwa hwakawanda hwemhando yemacoronavirus huchiri kungotenderera mumhuka husati hwatapurirwa kuvanhu. Mhando itsva yehutachiwana hweCoronavirus hwakatangira muguta reWuhan, mudunhu reHubei kuChina kupera kwaZvita 2019, hwakonzera chitsama chechirwere chakasimba chinokanganisa munhu kufema, icho chinodaidzwa nezita rekuti Coronavirus 2019 (COVID-19). Dandemutande reHopkins University rakabudisa mashoko ekuti nyika dzinoda kusvika mazana maviri dzakashanyirwa nehutachiwanan hweCOVID-19, icho chakanyanyopararira munyika dzinoti United States (America), matunhu epakati peChina, kumavirazuva kweEurope pamwe chete neIran. Musi wa 11 Kurume mugore ra2020, sangano rezvehutanho pasirose reWorld Health Organisation rakapinza kupararira kweCOVID-19 muchikamu chemapandemic Kusvika musi wa23 Kubvumbi 2020 uhwandu hwevanhu vakanga vabatwa nechirwere cheCOVID-19 hwakanga hwasvika pamamiriyoni maviri nemakumi matanhatu nematatu ezviuru (2.63 million) pasirose, huwandu hwevafa nacho huchisvika zana nemakumi masere nemana ezvuru nevanhu makumi maviri emazana nemakumi mana nevapfumbamwe kana kuti 184,249 ukuwo vakapora pachirwere ichi vachisvika mazana manomwe nemakumi maviri ezvuru anemakumi mashanu nevashanu, kana kuti 722,055.

Kupararira kwezvirwere kwakaita mukurumbira

Marariya

Marariya chirwere chakakurumbira munzvimbo dziri pakati nepadhuze pedendenedzu renyika idzo dzinodaidzwa nechirungu kuti ma "tropical and subtropical regions" dzinosanganisira mamwe matunhu eAmerica, Asia pamwe neAfrica. Gore negore vanhu vanofungidzirwa kuti vanosvika huhwandu hwunobva pamazana matatu nekakumi mashanu emamiriyoni kusvika pamazana mashanu emamiriyoni vanobatwa nechirwere ichi. Dambudziko guru mumakore e21st century nderekuti chirwere chinojairira mishonga iyo inobva yashaiwa simba rekurapa chirwere ichi, izvo zvinova zvava kuitika kumhando dzose dzemishonga yemharariya, kunze kwe mando inodaidzwa nezita rekuti artemisinins

Marariya chirwere chakamboita mukurumbira munyika zhinji dzekuEurope neAmerica yekuchamhembe, uko isingachawanikwi. Marariya inofungidzirwa kuti yakabatsira pakuwondomoka kwehumambo hweRoma. Chirwere ichi chakatozombozikanwa nezita rekuti "Roman fever". Hutachiwana "hwePlasmodium falciparum" yakava njodzi huru kuvapambepfumi pamwe nevagari venzvimbo apo hwakapinda mudunhu reAmerica pamakore ekutengeswa kwenhapwa.

Chirwere chedzihwa rerudzi hweSpanish

Dzihwa reSpanish flu (1918 kusvika 1920) rakabata vanhu mazana mashanu emamiriyoni pasirose, kusanganisira vanhu vanogara pazvitsuwa zvePacific nedunhu rechando reArctic, rikauraya vanhu vari pakati pemamiriyoni makumi maviri ne mamiriyoni zana. Zvirwere zvinji zvedzihwa zvinouraya zvisina kuenzana vana vadiki diki nevanhu vakwegura zvakanyanya, mukana wekurarama uchiwanikwa nevari pamazera epakati nepakati. Asi dzihwa reSpanish flu rakauraya zvisina kutarisirwa vemazera epakati nepakati. Dzihwa reSpanish flu rakauraya vanhu vakawanda kudarika hondo yekutanga yepasirose, kana kuti World War I huyewo mumavhiki makumi maviri nemashanu ekutanga kwaro rakuraya vanhu vakawanda kudarika zvakaitwa neShuramatongo mumakore makumi maviri nemashanu ekutanga kwayo. Kuvapo kwemauto muhuwandu nekugara kwawo pakamanikana pamakore ehondo yekutanga yepasirose kwakakonzera kuti hwupararira nekushanduka nekukasira; kuva nyore kubatwa nechirwere ichi kwemauto kunogona kungewo kwakabatsirwa nekusagadzikana mupfungwa, kushaya chikafu chinovaka muviri nekurwiswa kwavo nezvombo zvine mushonga inoparadza. Kuvandudzika kwemafambiro nezvifambiso kwakaita kuti zvive nyore kuti mauto, vatyairi vezvikepe nevafambiwo zvavo vaparadzire chirwere ichi.

Kufunganya nezve hutachiwana munguva inotevera

Kupikiswa kwemishonga yerudzi rwemaAntibiotic

Chinyorwa chikuru: Kupikiswa kwemishonga yerudzi rwemaAntibiotic

Hutachiwana hune simba rekupikisa mushonga wemaAntibiotic hunodaidzwa dzimwe nguva nezita rechirungu rekuti "masuperbugs". Hutawana hwerudzi uhwu hwunokwanisa kubatsira kunyuka zvakare kwezvirwere zvanga zvambokwanisa kudzorwa zvakanaka. Semuenzaniso, zviitiko zvechirwere cherurindi kana kuti TB zvine simba rekupikis amishonga yagara ichizivikanwa kuti inorapa chirwere ichi zvakanaka idambudziko guru kune vezveutano. Zviitiko zvitsva zvinoda kusvika chidimbu chemiriyoni imwechete zvekupikiswa kwemishonga mizhinji yerurindi, uko kunodaidzwa nechirungu kuti multi-drug resistant tuberculosis (MDR-TB) zvinoitika gore negore. China ne India ndidzo nyika dzine zviitiko zvakawanda zve dambudziko iri. Sangano rezveutano hwepasirose reWorld Health Organisation (WHO) rinobudisa mashoko ekuti huwandu hwevanhu vanofungidzirwa kusvika pa mamiriyoni makumi mashanu pasirose vane chirwere cheMDR TB, zvikamu makumi manomwe nezvipfumbamwe kubva muzana zvavo zviri zvevanhu vane chirwere cherudzi rwunopikisana nemishona mitatu kana kupfuura. Mugore ra2015, zviitiko zvinosvika zana nemakumi maviri anezvina zveMDR-TB zvakaonekwa muAmerica (United States) chete. Imwe mhando yechirwere cherurindi inopikisana mishinga yakawanda zvakapamhidzirwa iyo inodaidzwa nechirungu kuti extensively drug-resistant tuberculosis (XDR-TB) yakaonekwa muAfrica mugore ra2016, ikazoonekwa kuti yaiwanikwawo munyika makumi mana nepfumbamwe, kusanganisira muAmerika. Sangano reWHO rinofungidzira kuti zviitiko zvitsva zveXDR-TB zvinosvika zviuru makumi mana (40 000) zvinoonekwa pagore.

Mumakore makumi mana apfuura, hutachiwana hwamazuva ose hunosanganisira hunonzi Straphylococcus aureus, Serratia marcescens neEnterococcus, hwakaumba simba rekupikisana nemishonga ine chitsama yakafanana nevancomycin, pamwe nezvikwata zvimwe zvizere zvemishonga inorwisa hutachiwana yemaAntibiotics yakaita sema aminoglycosides nemacephalosporins. Hutachiwana hunopikisa mishonga yemaAntibiotic yava honzeri huru ye kubatwa nezvirwere kune chekuita nezvekurapwa kwevanhu , kana kuti muchirungu "healthcare-associated (nosocomical) infections" (HAI, muchidimbu). Pamusoro pazvo, huhwere hunokonzerwa nemarudzi anotapurwa mukugarisana (community-acquired strains) ehutachiwana hwemethicilin-resistant Staphylococcus aureus (MRSA) muvanhu vagara havo vaine hutano hwavo, hwawedzera kutekeshera makore ano.

Huhwere hwunobudisa ropa

Hurwere hwunobudisa ropa, hunodaidzwa nechirungu kuti viral hemorrhagic fevers, huhwere hunotapuriranwa zvakanyanya huye hunouraya kwazvo. Mienzaniso inosanganisira zvirwere zvinoti Ebola, Lassa fever, Rift Valley fever, Marbug virus disease neBolivian hemorrhagic fever. Zvirwere zvemhando iyi zvine mukana wekupararira kuita pandemic. Simba razvo rekukwanisa kupararira nekukasira kuva pandemic rakapomhodzwa nekuti kuparadzirwa kwehutachiwana hwacho kunogoneka chete kana munhu asina hutachiwana agunzvana neanahwo, uyewo iye anehutachiwana hwacho anenguva pfupi asati asangana nerufu kana kuti kurwara kwakanyanya. Nguva diki inowanikwa panotangira munhu kubatwa nehutachiwana kusvika paanotanga kuratidza zviratidzo zveurwee hwacho inopa vezvehutano mukana wekukasira kumutsaura pane vamwe, kuitira kudzivirira kutapurira kwake hutachiwana kune dzimwe nzvimbo.

Hutachiwana hwerudzi hweZika virus

Chinyorwa chikuru: epidhemiki ya2015 kusvika 2016 yeZika virus, Zika virus neZika fever

Kupararira kweZika virus kwakatanga mugore ra2015 kukazokwira zvakanyanya mumwedzi yose yekutanga kwa2016, kuchionekwa zviitiko zvinodarika miriyoni imwechete nechidimbu munyika dzinodarika gumi nembiri munyika-dunhu reAmerica. Sangano reWorld Health Organisation rakayambira kuti Zika yaiva nesimba rekuzoputika kuita pandemic inobata pasirose kana ikasadzorwa.

References


Tags:

Chinyorwa Chikuru Chepandemic Tsanangudzo nematanhoChinyorwa Chikuru Chepandemic Kudzora kupararira kwechirwereChinyorwa Chikuru Chepandemic MaPandemic ariko pari zvinoChinyorwa Chikuru Chepandemic Kupararira kwezvirwere kwakaita mukurumbiraChinyorwa Chikuru Chepandemic Kufunganya nezve hutachiwana munguva inoteveraChinyorwa Chikuru Chepandemic

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

Gumi nembiriShumba -MhaziNhangaChinhoyiBhoziniya ne HerizegovhinaRupasaChichayinaChitendero chechiKristuDoroGunyereKutsemuraNhareCzechiaChijapaniBomaDanhautandeMugwitiMhukaMutemo waParetoMwero wekukuraMwero weKuendaGongoMbutuKubvumbi 9HoramutandaMotoGuviMhandaraMuti (mushonga)SpainGenesisiMuseveMutiMufufuMhakureNzunzaMudzidzisiMharaFosiCharakaMasvingo eZimbabweGomo reNyanganiNhunguMawutoKutsvairaUchivanhuGandaMuprofita JeremiaRovambiraMeikles HotelNzaraMunyunguMukonikoniChanduruDarareJoe van PraaghMudusoKutanyaBonyoraChimeraMoyo DhehwaDestrucive distillationNetherlandsNgodaHuguguMazinoShumba Nyamuzihwa🡆 More