Chidzidzo

Chidzidzo (ku Chingezi: lesson) kana chifundo inzira yekudzidza kana chiito chekupa ruzivo, kubva kumunhu ane ruzivo, chokwadi uye uchenjeri uzhinji kune mumwe munhu ane ruzivo rwakaderera pamusoro pezvinhu zvirikudzidzwa.

Chidzidzo
Mwana mukomana arikudzidziswa kutamba bhanjo

Nzvimbo yakajairika inowanzo unzwa zvidzidzo kuvanhu ndeye chikoro, uko mudzidzisi anopa ruzivo kune vadzidzi. Chidzidzo mumamiriro akadaro chinowanzove chaka setwa chakaganhurwa kuti chifokasa pazvidzodzo zvinokwana mukarikyuramu inoenderera nezvinodiwa nehurumende uye nechikoro chacho. Kazhinji zvinosanganisira zvinhu zvakaita se sainzi (chemishonga, fundoyetsimba, ruambamhenyu nezvimwe), uye chitendero (dzimwe nguva), nhoroondo, mitauro, uvaranomwe uye mhanzi (dzimwe nguva futi). Zvakare kune kudzidza kwepamusoro uko kune zvifundo zvizhinji saka kunotendera kuti vadzidzi vasarudze zvavanoda kudzidza kubva pane zvidzidzo zvakawanda uye zvakasiyana.

Chirongwa che chidzidzo

Paunenge uchigadzira chirongwa chechidzidzo zvakajairwa kutarisa zvinotevera:

  • Zvinangwa (zvinangwa zvakakura zvechidzidzo, kunofanhira kusvikwa nechidzidzo)
  • Donzvo (zvakanangwa, zviyero zvinoyera zvechidzidzo - humwe hunyanzvi kana ruzivo vadzidzi vanofanirwa kunge vakawana nemhedzisiro yacho)
  • Huwandu hwevanhu varipo kupihwa chidzidzo uye reshiyo yevadzidzi kumudzidzisi
  • Ruzivo rwekare rwevadzidzi (rwunogona kunge rwakasiyana kana kukafanana kuvanhu vese varipo) uye kuti izvi zvichaitwa sei pakutanga kwechidzidzo
  • Kurudziro yevadzidzi (vadzidzi vechikoro, semuenzaniso, havana imwe sarudzo kunze kwekuenda saka mudzidzisi anofanira kuvaka rumwe rudzi rwekurudziro muchidzidzo)
  • Nguva inodiwa pachikamu chega chega chekudzidzisa uye kuchidzidza
  • Izvo zviwanikwa zvinodiwa uye zviripo
  • Kugadzirira zvinodiwa zvakasiyana (tsika dzakasiyana, masitayera ekudzidza, zvidikanwi) zvevanhu
  • Maonerwo achaitwa chidzidzo ichi

Mamwe mapeji ekutarisa

  • Fundo
  • Cognitive acceleration
  • Kudzidza neMudzidzisi (Learning by teacher (LdL) kuchingezi)
  • Chidzidzo cheMhanzi

Tags:

Chirungu

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

2009BonyoraMwedzi yeGoreNgochaniGlendaleChikakaDuri neMutsiNyaudzosingwi R-UVakalangaEsperantoMbudzi 27SabhukuMakawoMhataKiribatiChikunguru 24GonyonhanhatuMuzhanjeGuhwaMutsonzowaMhou ShiriRooraJamaicaNeparuMazita eMitiMuchatoDanhautandeChin'koVajudhaMamboUviChiberekoVamanyikaAmsterdamOceaniaChivabvu 5MhondiNzou - SamanyangaMateoUnguChivanhuTsumoRwatataVhenekeratsvimborumeKumbondera chirwereGurunera raMaslowSha Sha (muyimbi)MudhuwiwaDominican RepublicMukombeChingeziShugaYuropuKukumbanaMhetaGorosiGunyana 7United Arab EmiratesShava MvuramaviAbu DhabiDziva Sambiri GandaIndonesiaLMa NhambaJerusaremaNharaundaVaTavaraKuringanaMoyo ChiranduGurwe🡆 More