Kupara Mwana

Pachinyorwa chino mazwi anoti kupara mwana ari kushandiswa kuturikira chinonzi adoption kuEnglish; izvi zvichireva kutora mwana mutorwa wausina kuzvara ugochimuchengeta sewako nenzira yakatenderwa pamutemo wenyika.

Kupiwa kwezita

Mazwi anoti kupara mwana asarudzwa kuti atodzaniswe nekupara moto, izvi zvichireva kuenda pamoto uri kubvira nechekare kwave kutora mazimbe epo kuti unovamba moto pane chimwe choto. Vamwe vatauri vanoti kugoka moto. Kufananidzwa kuri apa ndekwekuti mwana wekupara anenge achitorwa kubva pana Amai naBaba nyakubereka achinopiwa kuna Amai naBaba nyakupara; apa mwana aripo akazvarwa kare asi anorerwa nevamwewo Amai naBaba. Zvichida tingati kugoka mwana kana mwana wekugoka.

Kurerutsa Mutauro

  • They adopted a child from Ukraine: Vakazviparira mwana kubva kuUkraine.
  • That boy lives with his adoptive parents: Mukomana uyo anogara naBaba naAmai ana nyakupara.
  • Chikomborero is an adopted child: Chikomborero mwana wekupara.
  • Adoption Agency: Vanyai veKuparwa kweVana kana Matunzwi veKuparwa kweVana.
  • Kupara (to obtain hot coals so you start a fire elsewhere) apa kureva kugoka moto. Kune zita remhuri rinonzi Muparamoto.

Zvakanaka kuonesana kuti mashoko ari pano haasi kushandiswa kuChiShona chinotaurwa mazuvaose; chiri kutiwa pano kuedza kuturikira mazwi anotaurwa kuEnglish.

Mitauro yeBantu

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • VaChewa vanoti kupala kana kupalila (to choose out, seek, select). VaChewa vanoti kupara (go an errand for, be sent by someone).
  • MaZulu vanoti isitholwa (Adopted child; one adopted into the family or community). Mamwe mazwi: inxumelo (n. adopted child).
  • MaZulu vanoti thola (Adopt; receive into family or community). Muenzaniso: ukuthola intandane (to adopt an orphan). Umtholi (one who adopts; foster parent).
  • VaGiryama vanoti mwana wa kurerwa (Adopted child). VaGiryama vanoti baba wa kum'rera (Adopting father).
  • Baila vanoti kufungula (to adopt an infant) kureva kupara mwana. VaGulu vanoti ku-sagula (to adpot).

Tags:

EnglishKupara mwanaMutorwa

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

Robert Gabriel MugabeMaariNdaraMakonyo MhirikanoMhembweGhanaOmaniMombeChitupaShumbaBomaCzechiaChayinaKutaraGungwa re IndiaKudhomaZviyoSpeiniTsaonaKukariraGermanyZaiMexicoJudiKutanyaVaGunguNorwayMvuuMariChindauGuta reHo Chi MinhKungwariraMudzimuChijerumaniNhunziHambautareKyivChidavadoMhambaChikweretiBhoziniya ne HerizegovhinaMauritaniaHoramutandaPeji rekutangaMuhwaIsayaEuropeTsuroAMasvingo eZimbabweVarunguGonyonhanhatuDhadhaMoyo SinyoroNgodaKuronza MimbaMhandaraLobengulaKugovaHoveGenesisiHumweKundengenyeka kwenyikaHuchenjeriMazinoMboroChirenje🡆 More