Muchidzidzo cheTaranyika (Geography), mazuva eTsazahusiku anoitika March 20-21 neSeptember 20-21.
Pamazuva aya Denderedzwa reChiedza rinocheka North pole neSouth pole - mativi ose eAkiso anenge ari hhambwe dzakafanana kubva kuzuva - hapana divi rinenge riri pedyo nezuva kudarika rimwe. Zvakare hapana divi reAkiso rinenge rakanongedza kune zuva. Pamazuva aya nzvimbo dzose dziri panyika dzinowana husiku hwakaenzana, hwakareba 12 maawa - saka mazuva aya achinzi Tsazahusiku- equinox.
Kubva pana March 20-21, nguva yechiedza inoenda ichireba kuhafu yekuMaodzanyemba - kutanga kwenguva yeChirimo (spring) kunzvimbo dziri kuMaodzanyemba kweMutsazanisi. Kunzvimbo dziri kuChamhembe, nguva yechiedza inenge ichiderera, kutanga kwenguva yeMatsutso (autumn) kunzvimbo idzi.
Kubva pana Sep 20-21, nguva yechiedza inoenda ichiderera kuhafu yekuMaodzanyemba - iyi inguva yemwaka we[[Matsutso] (autumn) kunzvimbo dziri ku[[Maodzanyemba kweMutsazanisi. Kunzvimbo dziri kuChamhembe, nguva yechiedza inenge ichireba, nguva yemwaka weChirimo kunzvimbo idzi.
Chivakamberi chekuti Tsaza- chiri pamberi peshoko rokuti tsazahusiku chinodudza kuti zvinhu zvakataurwa kumashure kwacho zvakaenzana. Vara rokuti Tsaza- rinofanana nerokuti equi- rinoshandiswa kuEnglish pamberi pemashoko anoti: equilateral, equidistant, equiangular.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Tsazahusiku, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.