Mwero Wekuenda

Chinyorwa chino chinounganidza mashoko anotaura kaendero kana kafambiro ari kuita chinhu kana munhu.

To go kuEnglish.

A

  • Kuangira iri izwi reChiNdau rinoreva to persist, to go on doing, to continue??. Kune chikoro chinonzi Kuwangira Primary School kuHighfield.

B

  • Bvevepfeve kana bvebverere (Action of spreading out in many directions). NoMugovera vanhu vomuHarare vanoita bvevepfeve: every Saturday the people of Harare go out into the country in all directions.
  • Kubvekecha (1. Force one's way through a crowd; 2. Join oneself to a crowd. 3. Walk in sand making crunching sound). Sekuru vakabvekecha napakati pavanhu vachitsvaga muzukuru wavo.
  • Kuburuka, kudzira, kudzaka kana kupfozoka (Go down).
  • Kubuda; kubva (Go out, forth).
  • Kubva, kutama, kusiya (Go away).

C

  • Kuchengudzira, (Go in round-about way).
  • Kuchichinuka (Move from, or to, a place all together. 2. Converge on one spot. 3. Sprout many grains at same time). Masvosve anochichinuka kana ukaisa dovi padyo nomwena wawo: ants swarm out if you put some peanut butter near their nest.
  • Kuchikaira (Go for something (e.g. medicine for invalid).
  • Kudzungaira, (Go wandering, looking for path).

D

  • Kudidirika (Go somewhere frequently). Ndakadidirika kutsime: I went to the well several times.
  • Kudzoka, kudzokera, kana kuhwirira (Go back).
  • Dzamariyata kana dzakariyata (Act of going and never returning or getting lost completely). Nyamadzawo akaita dzamariyata kwaakaenda kuEngland.
  • Kudzira; kuburuka; kupfozoka; kudzaka, (Go-go down).
  • Kudzona, (Go down - of river).
  • Kudzemberera, (Go backwards and forwards).
  • Kufamba nebhiza; kutasva bhiza.(Go on horseback).
  • Kudinhirika (1. Go frequently to a place; 2. Reach a place and find no one there).
  • kudzunguruka.(Go round - as the hand of a clock).
  • Kuchingura mhepo, kutarira kumhepo, (Go against the wind).
  • Dzerevende ( Wander about. Be at a loose end) kana kutekaira. Sokuti - Ndiye anodzverevenda: he is the one who hangs about and delays his departure.

E

  • Enda, kuenda, kuinda kana kufamba - to go.
  • Kuvandurira (to go around in order to go in front, to go in a roundabout way, to go to the side of the road) Shoko iris rinokwanisa kuturikira chinonzi by-pass.

G

  • Kugakamara (walk crookedly).
  • Kugwedereka (Walk in the way an enfeebled person or animal does). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Chigwedere?
  • Kugura nyika; kana kuchinjika (Go across country).

H

K

  • Kukotoka, kukotoroka. (Go home from garden).
  • Kukotosa. (Go without invitation).
  • Kukwira (Go up).
  • Kuduka (Go through).
  • Kukwangwaira (walk about in search of food).
  • Kukokowara (straight, looking in front).
  • Kukununduka kana kukunundika. Mazwi aya anobva pakuti kunundu (ideophone of walking quickly lost in thought).
  • Kukukurwa kana kukukugwa. (Go down stream).

M

  • Kuenda namasunda; kuenda nenhendashure; kuenda neshure, kufunduruka, kusuduruka.(Go backwards)
  • Kufamba nomusara, kufamba nerunda, kufamba nerundaza (Go abreast).
  • Kuita mudungwe, kuyererana, kutungamidzana (Go in file).
  • Kumininuka (1. Rise together; 2.Set about tasks at same time - many). Dungwe rakamininuka nezvirongo kubva patsime.

N

  • Kunara, kunhara kana kumbeya (walk looking for something).
  • Kunekaira, kunzeka, kunzekaira kana kupotapota (walk to and fro).
  • Kunyanga kana kunyangira (move stealthily towards something).
  • Kunzvenga kana kunzvenga-nzvenga (Go in another direction - as of rain).

P

  • Kupandana (Go apart, go in different directions) zvinoreva kuparadzana.
  • Kupfudza (to go constantly to a place; be intimate there, go often to same place) zvinoreva kugaroenda panzvimbo kana kunhu kuri kurehwa.
  • Kupapa nyika (go abroad).
  • Kupangura, kupasura (Go right into).
  • Kupinda (Go in).
  • Kupinziridza; kupfuwura mberi, kupindirira mberi (Go further).
  • Kupota. (Go round).
  • Kupota na ; kupotera na, (Go by the way). Sokuti chipotanemadziro.
  • Kupfudza (Go often to same place).
  • Kumonereka, kupotereka, kudzunguruka (Go round and round, turn in a circle).
  • Kupotereka (go around; circumvent).
  • Kupakura (to go right through, to force a way through, to divide).
  • Kupewuka; kuwunga, (Go altogether - very far). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Maunga kana Mawunga?
  • Kupfuvura mberi, kupindirira mberi, kututsa.(Go forward).
  • Kuperekedza; kupereka;(Go with; accompany).
  • Kupfuuura ; kupinda (Go past).

R

S

  • Kusunda (Go a little way).
  • Kusazanyara kana kusadanyara (walk straight).
  • Kuswedera (Go near,).
  • Kusengura (to move, shift form one place to another). Kusenguka kana kudengenyisa (to move, to be shifted).


T

  • Kutama (Leave one dwelling place for another).
  • Kutsetsenuka, kutsanduka, kutananika kana kutayaira (walk slowly, with measured tread).
  • Kutandazika kana kudzedzereka (staggering walk).
  • Kutumbidzika kana kumhemhaira (walk purposelessly).
  • Kutupira kana kutupitira (1. Walk very far; 2. Fly very high). Zvichida izwi iri rinotodzana nerekuti mutupo??
  • Kutungamira, kupfuura mberi (Go in front; lead; go before one; precede a person).
  • Kutendenedza, (Go by another way).
  • Kututsa nhambo, (Go on for some distance).
  • Kutsawuka, (Go out of the way).
  • Kutekeshera, kupatarika, (Go in different directions).
  • kutsekaira. (Go from one place to another).

W

  • Kuweshuka, (Go without saying goodbye).
  • Kuwunga kana kurumuka (leave at same time; come in large numbers as of people).
  • Kuwungira (leave one place and collect in another).

Z

  • Kuza (to come). Izwi iri rinoshanda mumazita anoti: Muza, Muzanarwo, Muzamhindo, Muzanebanga, Muzanenhamo zvichingodaro.
  • Kuzoya kana kuzonga (glide as a snake; go on belly as a snake does).


Mamwe Mazwi

  • Nhara (turn up at some distant place). Chamapiwa akanhara kuJapan - Chamapiwa turned up in Japan.
  • Ndinde (never‑ending operation, process, work or sickness etc). Hwahwa hwa­pano indinde. There is a seemingly inexhaustible supply of beer here.
  • Dzamara (ideophone of disappearing suddenly). Anga ari pane eye zvino unto, asi angoti dzamara.
  • Muhwinira (Act of walking in a group). Zvichida izwi iri ringashanda kuturikira chinonzi traffic kuEnglish.
  • Kumbwandaidza (Cause to walk humbly, shyly). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Chimbwanda?
  • Kumbwandaira (Walk humbly, shyly).
  • mbwanda mbwanda (ideo of Walking humbly, shyly).
  • kundu (ideophone of Acting together. 2. of Losing some feathers e.g. in escaping). Vanhu vose vakati kundu kudoro: everyone went to the beer drink.
  • Vadzimai vose vakunduka vachindotsvaga hwowa: all the women have gone to look for mushrooms.
  • Abrama wakahamba, echiangira kuenda Negebhi: Then Abram traveled on, continuing toward the Negev. (Genesis 12:9 kubva muBhaibheri reChiNdau).

Mitauro yeBantu

  • VaHerero vanoti pita (v. go out, come out, spring out as seed, come forth, go forth, rise out, pass outward) kureva kubuda.
  • VaHerero vanoti pitisa (cause to go out) zvichireva kuburitsa. Sokuti: pitisa ozongombe - buritsa mombe.
  • Sokuti: pitisa - (dismiss) zvichireva kukototsa.
  • Herero vanoti epitiro (v. issue). Sokuti: pitira mo - issue as water from the ground.
  • VaHerero vanoti hita (go in, go between) kureva kupinda. Sokuti: hita m'ovandu - go among, or go between the people.
  • VaHerero vanoti oru-pit-onganda (n. Gadding - one who moves about aimless and restless, to go out of the village) kureva kubuda. Apa onganda (village) musha.
  • Tiriki vanoti khurula (go very quickly, swoop, dash past, go in and out of the house repeatedly).
  • BaKalanga vanoti kulumuka (v. come in large numbers as of people).

Tags:

Mwero Wekuenda Mamwe MazwiMwero Wekuenda Mitauro yeBantuMwero WekuendaEnglish

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

MutsvanzvaFosiMadzindeSpeiniMunweInaPeji rekutangaAlpha RadiationMaputoDhagaBapiroNhoroMhandoMakuaKududzaSierra LeoneMakonyo MhirikanoSwitzerlandMakumi matanhatuNyanzaPawaHwataPaul MatavireItariBuenos AiresUnited KingdomChitenderoKurima neMombeNyamafinguShondoZamuPanzeChihausaKuvaviwaNe- Pakuvamba MazitaHuguguMupfuraLoziDeputeGeorge SilundikaHànzìMavindidzeHunzwiMukondombera AIDSThailandNzou - SamanyangaChin'onoChiwesheHohwaChanduruKambaTuvaluArgentinaMbitiChiShonaYunivhesiti yeOsloGungwaShillukNhunguChipakatiCity of San MarinoUnited States of AmericaMachendeHusikuHurefuChidavado🡆 More