Kuronza Mimba

Pachinyorwa chino mazwi anoti kuronza mimba kana humai muronzi (surrogate pregnancy or surrogate mother ) ari kushandiswa kureva munhukadzi anobvuma kutakura pamuviri asi mwana waanotakura uyu asingazove wake.

Munhukadzi anova amai sakuronza kana atakura mimba nechinangwa chokuzopa mwana kune avo vachazonzi ndivo vabereki vemwana pamutemo yenyika dzinogamuchira izvi. Pari nhasi (2015) kune mipanda miviri yekubereka vana nenzira yekuronza mimba:

  • (1). Kuronza noMwene weZai (traditional surrogacy) - mbeu yemurume inoshandiswa kuumba mwana nezai remunhukadzi achava amai sakuronza. Nzira yekutanga inoreva kuti amai sakuronza vane hukama nemwana waanotakura mumimba yake.
  • (2). Kuronza Rusurumuko - mukadzi anopfekerwa chipandemwana (embryo) chemunhurume nemunhukadzi vari kuda kuita mwana, asi anotakura pamuviri pemwana ndivo amai sakuronza. Saka panzira yepiri amai sakuronza havana hukama nemwana wavanotakura mumimba yavo. Munhukadzi uyu anoronza nguva yerusurumuko chete, ropa redzinza ravo haripo pamwana wavachazvara.

Mitowo yekuronza mimba

  • Kuronza Mimba neZai rekukumbidzira nzira inotora zai rakapiwa sechipo rokukumidzwa nembeu yemurume achava mubereki, chipandemwana chinobva apa chodzimikirwa muchibereko chemunhukadzi anenge ari amai sakuronza.
  • Kuronza Mimba nechipandemwana chekukumbidzira nzira inotora chipandemwana chakapiwa sechipo chodzimikirwa muchibereko chemunhukadzi achava amai sakuronza.
  • Kuronza Mimba neHuronyo hwekukumbidzira nzira iii inoshandisa huronyo hwakapiwa sechipo hwoshandiswa kukukumidza zai remunhukadzi achava mubereki, chipandemwana chodzimikirwa muchibereko chemunhukadzi achava amai sakuronza.
  • Kuronza Mimba nechipandemwana chevachazova vabereki nzira iyi inotora chipandemwana chemunhurume nemunhukadzi vachazova vabereki chodzimikirwa muchibereko chemunhukadzi achava amai sakuronza.
  • Kuronza noMwene wezai nehuronyo hwakakumbidzira nzira iyi inoreva kuti munhurume achazova Baba anenge asina hukama hweropa nemwana achazvarwa.
  • Kuronza noMwene wezai nehuronyo hwemunhurume achava Baba nzira iyi inoreva kuti munhurume achava Baba vemwana ane hukama hweropa nemwana achazvarwa nenzira yekuronza mimba.

Pachinyorwa chino shoko rokuti kukumbidzira (donation) riri kushandiswa kureva chinhu chakapihwa seruyamuro pasina muripo uye chisina kukumbirwa.

Makakatanwa

Kuronza mimba kune makakatanwa zvichitariswa pamberi pechitendero chaJesu Kristu. Pane hunyangadzi hune mukana wekupinda pamaitiro ekubereka vana nenzira iyoyi.

Mitauro yeBantu

  • VaMang'anja vanoti mluza (embryo).
  • VaTonga vanoti Nseke (embryo; seed).
  • VaMakonde vanoti chitumbo (pregnancy, embryo).

Tags:

Amai sakuronzaHumai muronziKuronza mimba

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

Gungwa reAtlanticChiakooseGunyereKubvumbi 9LuhyaGuviRupasaMotsiSabhukuMoritaniKarenda ya GregoriNyatsimba MutotaUtachiona hwemunzira inobuda nemwanaMakondeDzemuzongozaKatunguIshwaMutemo waParetoKurume 28KuvaviwaKuponaKurwadziwaMvanaGutaMagwereLoziAtomic number 1HukuNyanzaHwataDoroMunatsiRhekeniMaodzanyembaYunivhesiti yeOsloUbhaha'iHungaryDuramahwiBherarusiTsimeMhandaUsoMimhanziWikipidhiyaSipoZimbabwePeji rekutangaNhareMazita eChishonaTanhatuMavindidzeChimbayiraWikipedia shanduro dzemitauroChikunguru 28PepanhauNAsiaGuvhuSasaukaMusikanaZviperengo zvehuwanduBosnia and HerzegovinaChirenjeAsheChiaramuChiputukeziChikwanyamaMhembweMunyunguMunyuMhakureChitofu (mugodhi)🡆 More