Munhukadzi anova amai sakuronza kana atakura mimba nechinangwa chokuzopa mwana kune avo vachazonzi ndivo vabereki vemwana pamutemo yenyika dzinogamuchira izvi. Pari nhasi (2015) kune mipanda miviri yekubereka vana nenzira yekuronza mimba:
- (1). Kuronza noMwene weZai (traditional surrogacy) - mbeu yemurume inoshandiswa kuumba mwana nezai remunhukadzi achava amai sakuronza. Nzira yekutanga inoreva kuti amai sakuronza vane hukama nemwana waanotakura mumimba yake.
- (2). Kuronza Rusurumuko - mukadzi anopfekerwa chipandemwana (embryo) chemunhurume nemunhukadzi vari kuda kuita mwana, asi anotakura pamuviri pemwana ndivo amai sakuronza. Saka panzira yepiri amai sakuronza havana hukama nemwana wavanotakura mumimba yavo. Munhukadzi uyu anoronza nguva yerusurumuko chete, ropa redzinza ravo haripo pamwana wavachazvara.
Mitowo yekuronza mimba
- Kuronza Mimba neZai rekukumbidzira nzira inotora zai rakapiwa sechipo rokukumidzwa nembeu yemurume achava mubereki, chipandemwana chinobva apa chodzimikirwa muchibereko chemunhukadzi anenge ari amai sakuronza.
- Kuronza Mimba nechipandemwana chekukumbidzira nzira inotora chipandemwana chakapiwa sechipo chodzimikirwa muchibereko chemunhukadzi achava amai sakuronza.
- Kuronza Mimba neHuronyo hwekukumbidzira nzira iii inoshandisa huronyo hwakapiwa sechipo hwoshandiswa kukukumidza zai remunhukadzi achava mubereki, chipandemwana chodzimikirwa muchibereko chemunhukadzi achava amai sakuronza.
- Kuronza Mimba nechipandemwana chevachazova vabereki nzira iyi inotora chipandemwana chemunhurume nemunhukadzi vachazova vabereki chodzimikirwa muchibereko chemunhukadzi achava amai sakuronza.
- Kuronza noMwene wezai nehuronyo hwakakumbidzira nzira iyi inoreva kuti munhurume achazova Baba anenge asina hukama hweropa nemwana achazvarwa.
- Kuronza noMwene wezai nehuronyo hwemunhurume achava Baba nzira iyi inoreva kuti munhurume achava Baba vemwana ane hukama hweropa nemwana achazvarwa nenzira yekuronza mimba.
Pachinyorwa chino shoko rokuti kukumbidzira (donation) riri kushandiswa kureva chinhu chakapihwa seruyamuro pasina muripo uye chisina kukumbirwa.
Makakatanwa
Kuronza mimba kune makakatanwa zvichitariswa pamberi pechitendero chaJesu Kristu. Pane hunyangadzi hune mukana wekupinda pamaitiro ekubereka vana nenzira iyoyi.
Mitauro yeBantu
- VaMang'anja vanoti mluza (embryo).
- VaTonga vanoti Nseke (embryo; seed).
- VaMakonde vanoti chitumbo (pregnancy, embryo).
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Kuronza Mimba, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.