Shoko rokuti Runyengutsa Shomwe (nuclear fusion) riri kushandiswa pano kutsanangura kubhodherana kweshomwe dzehatomu mbiri dzonyenguka kana kuwumbana kuva shomwe imwe yehatomu; iyi iri mhando itsva yeshomwe.
Shomwe mbiri pakunyenguka dzichiwumbana nenzira iyi, hapana kubangwa kwehuremu nokuti humwe huremu hunoshanduka huchibva hwaita simba - energy. Kudhivana zvinoreva kubatanidzwa kwezvinhu zviviri (kana zvinodarika), izvi zviri zvinhu zvakasiyana kana zvine mwero wakasiyana zviri kubatanidzwa.
Shoko rokuti kunyenguka rinoreva kupindana kwezvinhu zvichibatana kuva chinhu chimwe - disappear into each other or into another.
Runyengutsa Shomwe runoitika kuburikidza nokubatanidza shomwe dzehatomu mbiri, zvikurusei hydrogen kana dzimwe shomwe dzakareruka dzichibva dzaumba shomwe dzakarema. Kunyenguka kunoitika kana plasma yadziyiswa kusvika pahujoto hwakanyanyisa kukwira izvi zvichibva zvakonzera kuti shomwe dzehatomu dzibonderane nespidhi yakakwira. Shomwe dzakarema dzinoumbwa nenzira iyi hadzina kutsigama, nokudaro dzinotetsura neutron rimwe kana kudarika dzinodauka nespidhi yakakwirisa. Chiitiko ichi chinoburitsa simba rakawanda kudarika rinoshanda paRunyengutsa Shomwe dzacho, izvi zvobva zvakonzera mudorodera werupinguro rweshomwe nokuda kwekuti imhando yerupinguro runoteura madziya. Nyanzvi dzinoti kunyenguka kweshomwe ndiko kunokonzera kupisa kwezuva nenyenyedzi.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Runyengutsa Shomwe, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.