Ropa, gazi kana ngazi (blood) ndiwo mutuvi mutsvuku unowanikwa uchiyerera mumitswe iri munyama dzemhuka dzose.
Mitswe inofamba neropa inonzi tsinga. Ropa rinofambisa chikafu negasi re"oxygen" kusvitsa kunhengo dzemuviri uye rinotakura tsvina kubva kunhengo dzemuviri.
Mutandira Unopotereka Ropa - kuturikirwa kwechinonzi Blood Circulatory System kuEnglish. Apa mutandira izwi rinoshandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi system.
Mitswe inofamba neropa ndiwo aya machubhu anonzi blood vessels kuEnglish. Pachinyorwa chino pachasiyaniswa mhando yemitswe iyi kuti tiyedze kuturikira zvinonzi veins, arteries and capillaries kuEnglish. Uku kupatsanura kwakakosha zvikuru nokuti mitswe inofamba neropa ine mabasa akasiyana.
Artery ichanzi tsinga nokuti idzi ihuru uye dzinonatsa kuonekwa nechekunze paganda. Tsinga dzinotakura ropa kubva kumoyo kuenda kune dzimwe nhengo dzemuviri.
Mushwaira(Capillary blood vessel) zvinoreva mhando yetsinga ndikisa dzinobatsira mukutsinhana kana kugachidzana kwezvinhu zvinowanikwa mumuviri zvinoti: oxygen, carbon dioxide, mvura, chikafu, nemishonga inoraswa pakati peropa nenhengo dzemuviri. Mishwaira inobatanidza tsinga hombe dzinotakura ĝropa kubva kumoyo kuenda kunhengo dzomuviri netsingana ndiki chinodzosera ropa kumoyo. Shoko rokuti mushwaira rinoreva kanzira kadiki kasina kunatsa kupfumbira; aka kanenge kari kanzira kanonetsa kuona pakari chaipo. Apa ndipo pabva paturikirwa kuti shoko rinoti mushwaira rive ndiro rinoreva zvimwe nereEnglish rokuti capillary. Iri zita rinoduza zvakanakisa kuti capillary tutsinga tudokosa zvichifanidzwa nedzimwe tsinga dzinoonekwa pamuviri wemhuka kana munhu. Pakuwanda mushwaira inodanwa kunzi mishwaira
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Ropa, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.