Ropa

Ropa, gazi kana ngazi (blood) ndiwo mutuvi mutsvuku unowanikwa uchiyerera mumitswe iri munyama dzemhuka dzose.

Mitswe inofamba neropa inonzi tsinga. Ropa rinofambisa chikafu negasi re"oxygen" kusvitsa kunhengo dzemuviri uye rinotakura tsvina kubva kunhengo dzemuviri.

Ropa

Mutandira Unopoterera Ropa

Mutandira Unopotereka Ropa - kuturikirwa kwechinonzi Blood Circulatory System kuEnglish. Apa mutandira izwi rinoshandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi system.

Mitswe inofamba neropa ndiwo aya machubhu anonzi blood vessels kuEnglish. Pachinyorwa chino pachasiyaniswa mhando yemitswe iyi kuti tiyedze kuturikira zvinonzi veins, arteries and capillaries kuEnglish. Uku kupatsanura kwakakosha zvikuru nokuti mitswe inofamba neropa ine mabasa akasiyana.

Tsinga

Artery ichanzi tsinga nokuti idzi ihuru uye dzinonatsa kuonekwa nechekunze paganda. Tsinga dzinotakura ropa kubva kumoyo kuenda kune dzimwe nhengo dzemuviri.

Mushwaira

Mushwaira(Capillary blood vessel) zvinoreva mhando yetsinga ndikisa dzinobatsira mukutsinhana kana kugachidzana kwezvinhu zvinowanikwa mumuviri zvinoti: oxygen, carbon dioxide, mvura, chikafu, nemishonga inoraswa pakati peropa nenhengo dzemuviri. Mishwaira inobatanidza tsinga hombe dzinotakura ĝropa kubva kumoyo kuenda kunhengo dzomuviri netsingana ndiki chinodzosera ropa kumoyo. Shoko rokuti mushwaira rinoreva kanzira kadiki kasina kunatsa kupfumbira; aka kanenge kari kanzira kanonetsa kuona pakari chaipo. Apa ndipo pabva paturikirwa kuti shoko rinoti mushwaira rive ndiro rinoreva zvimwe nereEnglish rokuti capillary. Iri zita rinoduza zvakanakisa kuti capillary tutsinga tudokosa zvichifanidzwa nedzimwe tsinga dzinoonekwa pamuviri wemhuka kana munhu. Pakuwanda mushwaira inodanwa kunzi mishwaira

Ropa

Mamwe mazwi

  • Ropa ragwamba (blood clot) rinonzi govo kana kuti goo.
  • Chitsi mutsinga dzemunhu chine njodzi yekutadzisa ropa kufamba zvakanaka; njodzi yacho yakatonyanya kana ropa richitadza kusvika kuhuropi. Chitsi (constriction) chumutsinga chinogona kukonzerwa nekudya mafuta akawandisa anokonzera kufasa kwetsinga kunova kunotadzisa ropa kufamba zvakanaka.
  • Kadikwadikwa, Karikwarikwa chidikwadikwa kana marikwarikwa (pulse) zvichireva kupfura kunoitika kana rope richifamba mutsinga.

Mitauro yeAfrika

  • Chewa inoti mwazi (blood) kureva ropa.
  • Rukwangwali inoti honde (blood) kureva ropa. Mamwe mazwi: erondolyohonde (high blood pressure).
  • Digo inoti mlatso (blood) kureva ropa. Swahili inoti damu (blood) kureva ropa.
  • Gulu neShambala inoti sakami (blood) kureva ropa.

Tags:

Ropa Mutandira Unopoterera Ropa TsingaRopa MushwairaRopa Mamwe mazwiRopa Mitauro yeAfrikaRopaGaziMutuviNgazi

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

SinowoRumandaRuwendeHangaiwaMubvandiripoMwaka muZimbabweZvita 25MunyoriGomoIsaac NewtonHangaMharaHuguguChikumi 5ChiringarongoChiNdevereChibatiro (mudziyo)2014ChiazeriNyaudzosingwiKubvumbi 8HariMutupoNyamavhuvhu 3Chikunguru 16MutsonzowaZvomboNhoroondoRomeYunivhesiti yeZimbabweFundoyetsimbaMakawoNyimoNyamavhuvhu 23Mutandira weZuvaSloveniaNdira 9UjainiChiarabhuLuxembourg CityHwaro2016ChipembweMunyiiGorosiNdira 19Kurume 18DzunguDzidzoDemoDublinKatsuki BakugoAmerika MaodzanyembaMubooraMuzvcaziMudzimaiZvidhinhaHunakuDzomaNeparuFloridaMubondaChicagoPutugaroRativhiyaChirwere cheCoronavirus 2019MehikoHandira (nyeredzi)VaswahiliChichayinaMhungaUnited States of AmericaGumiguru 2HohwaShukukuviriChinamatoHwembwa (bonde)🡆 More