Munyayi munhu anoshanda semutumwa achifambisa mashoko pakati pemhuri mbiri dziri kuroorerana.
Nguva dzose munyai munhu wechirume anosarudzwa kumhuri yemurume ari kunoroora. Munyayi ndiye anononzwa kuti tezvara ari kutema pfuma yakawanda sei, achizoturikira mashoko aya kune mukwasha auya kuzoroora. Munyayi ndiye zvakare anodzosa mhinduro dzezvichemo kana kubvumira kwemukuwasha.
Pakubata basa iri, munyai anobatsirwa natete vemusikana vanofanirwa kunge vachiziva tsika dzemusha waberekwa musikana uye vachiziva vanhu vemo kuitira pakutaura ukama hwevanhu kana vasangana mhuri mbiri.
Kune mamwe matunhu munyayi anodainzwa kunzi sadunzvi kana kuti dunzvi
In English "munyayi" is a go-between when a man goes to pay the bride price at her future wife's family.
Shoko rokuti munyayi rinoreva mumiriri panyanya dzakadai sekuroorana. Uyu anenge ari iye anosvitsa mashoko pakti pamhuri mbiri. Nokumwe kutaura tingaturikira tichiti ambassador munyayi zvakare, asi ari munyayi wenyika yake yaanobva. Pakutaura kazhinji tinoti mumiriri weZimbabwe kuUnited nations - zvakadii tikati munyayi weZimbabwe kuUnited Nations?
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Munyayi, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.