Kufudza

Kufudza (herding animals; to shepherd) kana kulisa (kuChikaranga) zvinoreva kuchengetedza zvipfuyo kana kuti mhuka dzepamusha panguva iyo dzinenge dziri kumafuro.

Basa iri rine zvinangwa zvinosanganisira: kusvitsa zvipfuyo kunzvimbo dzine mafuro akanaka; kusvitsa mhuka kunonwirwa mvura; kudzivirira mhuka kuti dzisabiwa kana kukuvadzwa; kuchengetedza mhuka kuti dzisadya zvirimwa muminda.

  • Vamwe vatauri vanoti kurisa, wacho anochengeta zvipfuyo achinzi murisi uye mulisi kana mukumbudzi. Vatauri vechiManyika vanoti kuutsa, wacho anobata basa iri onzi muutsi.
  • Mufudzi kana muchedzi (herdsman) zvinoreva munhu anochengetedza mombe, mbudzi kana hwayi kumafuro.
  • Kuchedza (to herd cattle).
  • Kafudzamombe kana fudzamombe (the tick bird, cattle egret) imhando yeshiri inoteveredza mombe inodya zvikwekwe.

Kurerutsa Mutauro

  • Mautsahuku izita rinodudza kuti munhu ari kutaurwa murombo zvokuti anenge achatofudza huku.
  • Marisamhuru izita zvakare.

Mitauro yeAfrika

  • Kimbundu vanoti kubila (v. graze; pasture; browse) kureva kufudza.
  • Swahili vanoti mlishi kana walishi (shepherd). Chidigo vanoti mrisa (herdsman) kureva mufudzi wezvipfuyo.
  • Kiikizu vanoti -riisha (1. feed; 2. herd animals). Mang'anja vanoti kubusa (1. to herd; to drive together).
  • Nyungwe inoti makabusa (shepherd/s) kureva muushi. Lunyoro vanoti omulisi (shepherd) kureva mufudzi wehwayi.
  • Manga Kanuri vanoti dárà (n. pastoral migration) kureva kutama mafuro.

Mabviro eruzivo

Tags:

Chikaranga

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

ChoyaChivabvu 1AfurikaMaenzaZita rekutangaUbhudhaNyamavhuvhu 14Chikunguru 16AShumba - MurambwiBonga ChihwaMukwereraVavhendaMunyaniKiwaniNjivaNambyaKubvumbi 10ChiwesheSolomon MutswairoKanadhaMutuviGomo reNyanganiUbhaha'iNaijeriyaJSeyisheriHoveDoroNdira 7ChibageGomoChidemboNyaudzosingwiRukuvhuteNyamandeHoshaRunyankoreKatsuki BakugoRuambandangaMusikanaMuzvcaziUjudhaKazakhistaniMoscowSloveniaMabweShumba -MhaziVukireniBhutsuNharaundaVambireKuwokeraMirairo gumi yaMwariHararHondo yePasirose yeChipiriMweya (wemunhu)ChiranduZimbabweChikumi 11Zvita 23SpeiniPretoriaIsiraeri2021ChenaKutizira mukumboVladimir PutinChiaramuKunyengaMbambairaMhungaZigulaKubvumbi 28Munhu🡆 More