Hondowe (Chirungu: aries) Hondohwe kana Erisi iboka renyeredzi reZodhiyaki, rinozivikanwawo nekuda kwezita rake rekuWestern reHondowe.
Ruambanyeredzi | Erisi | ♈︎ | ♉︎ | ♊︎ | ♋︎ | ♌︎ | ♍︎ | ♎︎ | ♏︎ | ♐︎ | ♑︎ | ♒︎ | ♓︎ |
Hondowe iriwo zita repasirese renyeredzi inopenya pakati penyeredzi, uye inyeredzi yekutanga pakati pezviratidzo zveZodhiyaki inoteerwa naHandira.
Ratidzo reZodhiyaki | Hondowe |
---|---|
Nguva (Kumadokero) | Kurume 21 – Kubvumbi 19 |
Unganyeredzi | Hondowe |
Nhangande yeZodhiyaki | moto |
Umiriro hweZodhiyaki | Vamberi |
Mutongi weChiratidzo | Mrongazuva |
Isva | Hweva |
Unhongi | Zuva |
Udonho | Chiremera |
Hondowe zvinoreva kuti 'ram' muchirungu, ndiro hwai yechirume.
Mammwe mazita aHondowe ndi: Gondobwe / Gondohwe, Hondohwe uye Erisi muchirungu kukopera shoko reChiratini rekuti 'aries'.
Zita renyeredzi iyi reChirungu rakabva kuzita remwari weVaroma, Aries mwari weHondo. Aive mwana waZusu naHera.
Tarisai peji renyaya Erisi
Muruambangano yeVagiriki Aries ndi mwari wehondo, mwana waZusu (Zeus) na Hera.
Hondowe anomiririra mhirizhonga nemasimba epanyama ehondo. Vamwe vanoti Hondowe aive mudiwa waAfurodhayiti (Aphrodite) uye akabatwa mukuzvidzwa nemurume wake, Hefestasi (Hephaestus), mushure mekunge nyaya yavo yawanikwa pakati peVaorimbiya (Olympian).
Hondowe akange asina kudzikama, asi aive neshungu kwazvo, uye anozivikanwa nekunyanyisa-kuita kusvira uye aive nesimba nehasha mumwiri.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Hondowe (nyeredzi), which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.