Kurima (farming) zvinoreva mabasa anoitwa kuchengeta mhuka dzakapfuyiwa uye kudyara nekukohwa mbesa.
Kurima kunosanganisira kukama mukaka wemhuka dzakapfuyiwa, kucheka vhudzi remhuka dzakadai sehwayi; kusarura mukono unoberekesa nzvari; kusarura mbeu dzakanaka dzokudyara zvichingodaro.
Munyika zhinji dzeAfrica kurima ndihwo hushangazhi hune vanhu vakanyanya kuwanda vanoshandamo.
MuZimbabwe vanhu vazhinji vari kumaruwa vanoita mabasa ekurima. Vazhinji vanopfuya mhuka dzinosanganisira mombe; mbudzi; hwayi; huku; njiva; hanga; nguruve nedzimwewo. Kuminda vanodyara mbeu dzinosanganisira; chibage; donje; fodya; nzungu; nyimo; mbambaira nezvimwewo.
Madzinde anorimwa muvhu achizokohwewa kuti adyiwe kana kushandiswa nevanhu anonzi mbesa - crop of any kind. Panodyarurwa fodya kana muriwo, madzinde acho madiki ari kudyarurwa anonzi mbesanwa kana kuti nhondo.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Kurima, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.