Yuropu (Chingezi: Europe) rimwe rematunhu eziendanakuenda anonzi ziwumbe Izwi rokuti ziwumbe rinoreva nyika chinoenderera.
Ziwumbe re Yuropu ndiko kunobva Vazungu kwavakapararira vachibva vakanotapa nokutonga nzvimbo dzinoti: Ostireriya; Mubatanidzwa we Mavuso e Amerika; Kanadha neNyuzilendi.
Yuropu ndiyo chikamu chiri kumadokero kweziendanakuenda reYurezhiya. Ezhiya ne Yuropu dzine muganhu pachisuvi chemvura chiri pamakomo e Urawu (Ural) ne Kaukasi (Caucasus), paRwizi Urawu, ne Bhahari re Kaspiya neBhahari Tema. Dzinoganhurana zvakare pamvura inobatanidza Bhahari Tema ne Bhahari re Eegi (Aegean). KuMaodzanyemba kwe Yuropu kune gungwa re Akitiki nemamwe makungwa, kuMadokero kune gungwa re Atlandiki, kuchamhembe kune bhahari remedhiteraniya neBhahari tema nemuronga unobatanidza magungwa aya. Yuropu inopatsanurana neAfurika pabhahari remedhiteraniya iyo iri kuMaodzanyemba kwe Afurika.
Yuropu ndiyo ziwumbe rechipiri pakudupuka kwenharaunda; ziwumbe iri rine nharaunda inokwana 6.8% skweya makiromita enharaunda inevhu Pasirose. Yuropu ine nyika dzinoda kusvika makumi mashanu (50), Rhashiya iriyo nyika hombe pakuwanda kwevanhu nenharaunda. Guta Vhatikani ndiyo yakanyanya kudupuka. Yuropu ndiro ziwumbe rechitatu pakuwanda kwehugari hwevanhu ichitevera Ezhiya ne Afurika. Yuropu ine vanhu 733 zvuruzvauru/mamiriyoni chinova chikamu 11% chehugari hwevanhu Pasirose. Mugore ra1900 zvinofungidzirwa kuti Yuropu yaive nehugari hwevanhu vanokwana 25% ye vanhu Pasirose.
Rhashiya ine zvikamu zvevhu muYuropu zvese ne Ezhiya.
Ziwumbe | ||||||||||
|
Yuropu | ||||
Andora · Arubhaniya · Arumeniya · Azeribhaijani · Bherarusi · Bherujyamu · Bhoziniya ne Herizegovhina · Bhuritani · Bhurugariya · Cheki · Dhanemaki · Estonia · Furanzi · Holandi · Hlovhakiya · Hlovheniya · Hungariya · Itari · Jojiya · Jerumani · Kazakhistani · Kurohesha · Maruta · Masedhoniya Maodzanyemba · Monako · Monthenegiro · Morudhovha · Musande Marino · Noruweyi · Ostiriya · Polandi · Putugaro · Rakisombhegi · Rativhiya · Rhashiya · Rishenistayini · Ritwaniya · Romania · Saipurasi · Serubhiya · Speini · Swidheni · Turuki · Vhatikani · Vugiriki · Vufini · Vukireni · Vusvwisi · Yerelendi · Yisirandi |
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Yuropu, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.